Monica ava nepamuviri paVaMugoti

“Munhu Wenyama” Nyaya yacho (Enderero mberi):

VaMugoti vanoti Mbuya Muswa vanongoita sokuda kwavo, havasi kuvarambidza kuti vambonoona vazukuru vavo. Mwanakomana aona mbuya vasina kuenda kunosara nevana, iye pachake ega ndokuuya kuzoona amai vake avo vanoshamisika nezvaanotaura vonetsekana nazvo izvo zvinovagumbura. VaMugoti vanoedza kuvanyaradza vachiti kuita kwevana.

Rimwe zuva VaMugoti vanobvunza Mbuya Muswa kuti kana vakafa, vangasara vakagara pamusha apa vega ivo ndokuti zvekugara hapagarike, vanenge vachiti vari kugarira ani.

Vapedza kurongedza, vanoenda pataundishipi paVaChihowa kunotsvaga motokari yekuhaya. Motokari yauya, VaMugoti vanopa Mbuya Muswa dzubwa remari ndokubhadhara motokari. Kwemasvondo maviri VaMugoti vanosara vachingodzengerera pamba pavo nechekunowo Mbuya Muswa vachiswera nevazukuzuru vavo.

VaMugoti vafinhwa nekugara vega, vanoenda pane imwe ndari. Mangwana acho pandari apa vanosangana naVaDemo avo vanonamata Zioni rokwaDhavhiti avo vanovaudza kuti vafunga zvokuita munamato pamba pavo. Mangwanani ngwanai esvondo vanouya kuzoita munamato uyu mharidzo yacho ichikurudzira VaMugoti kuti vasanyanye kufunganya.

Panopera munamato, VaDemo vanosiya Monica mwanasikana wavo uyo anosara achishanda mwanasikana agoti kusuka ndiro, kutsvaira mumba zvekusiya musisina nekarara zvako, kuwaridza mubhedha, hembe dzine tsvina nekudzitwasanudza pamwe nekubika.

Vapedza kudya VaMugoti vanoti adii kumbozorora achizosimuka zvake kuti aenda kumba kuchiri kuchena Monica wacho ndokuti baba vake vainge vamuti azotevera neChitatu chesvondo raitevera anyatsopedza basa rose izvo zvinoshamisa VaMugoti. Vanotora kasanhu kavo kwava kudzika kugadheni kunosunga-sunga pakanga papinda nembudzi.

Pavanodzoka manheru, vanowana mbatya dzatwasanudzwa dzakanyatsa kupetwa dziri pamubhedha, pamoto pakagadzikwa mvura yekugeza.

Mushure nemwedzi mitanhatu Mbuya Muswa vanonzwa chido chekufunga mumwe wavo, chembere igere nemuroora vachimenya nzungu ikataura kuti yainge yafunga zvekuenda Buhure kwaVaMugoti kunotora chigubhu chayo iwane chokucheresa mvura. Yainge yachikanganwa payakarongedza mimwe midziyo.

Chembere inopinda mubhazi remangwanani kwava kuzovirirwa yatosvika.

Painopinda muchivanze inosvikotambirwa nechimhandara change chine pamuviri chembere inodemba mari yayainge yashandisa, munhu kwava kungozvisimbaradza semunhu mukuru kwava kurara rwehope mangwana acho kwava kupinda murwendo kudzokera munhu achirwadziwa chaizvo.

Gare gare mwanakomana waVaMugoti, Paul anobva auya kuzodongorera baba asi haauyi nemhuri yake sezvo aida kudzoka musi wakare. Monica anobuda akamonera chizambia achinanga kune muenzi.

Paul apo anomuona anofunga kuti pamwe mwana waMbuya Muswa ainge ashanya.

Baba vake vanozomutsanangurira kuti ndaamainini vake. Paul anoshaya neremuromo, chiso chake chichireva zvakawanda asi agumbuka nazvo. Baba vake vanozviona asi vanoti vaigozvidii ivo vari munhu wenyama.

ONGORORO:

Zvamunoona izvi muviri wemunhu wakasikwa paine zvaunoda kuti zviitwe izvo munhu asingagoni kuzvidzivaidza. Muviri wemunhu une zvaunokumbira (demand).

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×