Morrison otengwa neHull City

HULL City iri kuda kutenga mutambi weLazio, Ravel Morrison, muna Ndira 2017. Mutambi uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, angokwanisa kutambira chikwata chake chekuSerie A kasere kubva paakatengwa mugore ra2015.Murairidzi weHull, Mike Phelan – uyo akamboshanda naMorrison paaive mutevedzeri wemurairidzi kuManchester United – akabvuma kuti anoda kutenga mutambi uyu.

Phelan akaudza The Sun kuti, “Tiri kutarisa vatambi avo vanouya vobva vasimbisa chikwata chedu muna Ndira.

“Ravel mutambi ane tarenda rinonwisa mvura.

“Asangana nezvakawanda mumutambo uyu asi ndinoziva zvaanokwanisa kuita munhandare.

“Ane tarenda rakakurisa asi rinongodiwa kuumbwa zvakanaka nenzira chaiyo.”

Zvikwata zvemuChampionship Newcastle neAston Villa zvinonzi zviri kudawo kutenga Morrison.

Morrison aimbotariswa semumwe wevatambi vanodadisa muEngland asi hunhu hwake husina kumira zvakanaka hwakatadzisa tarenda rake kuenda kure.

Mushure mekunge atamba mitambo mishoma achirairidzwa naSir Alex Ferguson, akabva kuManchester United mugore ra2012 ndokuenda kuWest Ham uko akasayina kondirakiti yemakore matatu.

Akazombotumirwa kune zvimwe zvikwata zvinoti Birmingham, Queens Park Rangers neCardiff ndokuzoenda kuLazion. – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *