Mwana wekuita tsvina nepadumbu akashaya

MUNENYASHA Muchapondwa, mwana uye wekuChimanimani, uyo akaburitswa muKwayedza masvondo maviri adarika apo aitsvagirwa rubatsiro rwemari inosvika $700 yekuti avhiiwe kuchipatara senzira yekuti akwanise kuita tsvina nenzira kwayo sezvo aiita nepadumbu, akazoshaya.

Amai vemwana uyu, Tambudzayi Mbuyi, vanoti panguva yakashaya mwana wavo, vaimupa mushonga wavakange vanyorerwa nemadhokotera kuti moyo wake ugadzikane.

“Ndakange ndiri kumbofana kupa mwana wangu mushonga waakanyorerwa nemadhokotera kuti moyo wake uite zvakanaka segadziriro yekuti azoenda kuHarare kunobatsirwa. Madhokotera ekuno akange ati anozovhiiwa mushure memwedzi miviri yekunge tamupa mushonga asi zvakaramba, achibva ashaya musi wa6 mwedzi uno (Mbudzi) uye takatomuradzika kuno kuChimanimani,” vanodaro.

Vabereki vaMunenyasha vaida rubatsiro rwemari yekuti avhiiwe kuti aite tsvina nenzira kwayo sezvo akange achiita nepadumbu (colostomy) uye aive neburi pamoyo.

Pamusoro pezvo, muromo wake wakange wakanamira kumhuno (cleft lip) uye aine dambuziko rehernia.

Zvakadai, kambani yePremier Service Medical Aid Society (PSMAS) inoti yakange yazvipira kubatsira mwana uyu.

“Takange tati amai ava vauye nemwana kuHarare kuti tione kuti tingabatsirana navo sei saka takazoshamisika tave kuvafonera vave kupindura vachiti mwana uyu akazoshaya.

‘‘Zvinotirwadza zvikuru nekuti taivewo neshungu dzekubatsira kuti ararame,” vanodaro VaMirias Gadaya avo vanova revenue collection officer kuPSMAS.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *