Motta otsigira Blanc

Michael Bisping
Michael Bisping

THIAGO Motta ari kutsigira murairidzi weParis Saint-Germain, Laurent Blanc, kunyangwe hazvo shasha iyi iri kudzingwa basa. Blanc, uyo akambohwina mukombe weWorld Cup panguva yaakatamba nhabvu, ari kutarisirwa kubva kuLigue 1 apo chikwata ichi chingangogadza Unai Emery panyanga uyo ari kubva kuSevilla.Asi kunyangwe hazvo pari kutenderera nyaya dzakawanda pamusoro peramangwana raBlanc, mutambi wePSG neItaly uyu akatsigira muchinda uyo akavatungamira kuhwina mikombe mitatu yakatevedzana yeligi pamwe nekusvika kumaquater-final eChampions League. Paakabvunzwa pamusoro penyaya iyo iri kutaurwa pamusoro peramangwana raBlanc, Motta akati, “Zvinorwdza kunzwa izvozvo, mushure mekunge tahwina mikombe misere tiri tose mwaka miviri yadarika”.

Motta aive akagara pabhenji ndokuzopinda mumutambo weItaly apo yakakunda Belgium 2-0 kumitambo yemaEuro uye anoti haazive nyaya yekuti chikwata chavo chinoda kutenga Emery.

“Handina hangu kumbowana nguva yekuterera zviri kuitika kuParis, tiri kushanda zvakasimba kuno. Ndiri kufunga zviri kuita kuno chete,” anodaro.

Kunyangwe hazvo Motta asiri kufara nenyaya yaBlanc kuti ari kuenda, chizvarwa chemuFrance ichi chichabhadhariswa muripo wekutadza kutamba zvakanaka kwechikwata chake mumutambo weChampions League.

Blanc angave zvake akahwina mikombe yeligi mitatu yakatevedzana uye nemimwe yakawandisa chaizvo asi nguva yake kuchikwata ichi yakwana ave kuenda.

PSG imbada munyika mayo asi varidzi vechikwata ichi vari kurwarira kuti chihwine muEurope.

Ichitungamirirwa naBlanc, PSG yakasvika kumaquater-final emutambo uyu kana kakatevedzana asi ichitatarika kuenderera mberi.

Emery ndiye munhu ari kuonekwa seangabatsire chikwata ichi kuti chifambire mberi mumutambo uyu. Chizvarwa chekuSpain ichi chakahwina mukombe weEuropa League katatu kakatevedzana achirairidza Sevilla. — Daily Mail Football

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×