Vodzidza kurima

Yollanda Gumbajera (wechipiri kubva kurudyi) achinyora gwaro remuriwo waainge atengesa apo vamwe vake vaiona svondo rapera. - Mufananidzo: Muchaneta Chimuka
Yollanda Gumbajera (wechipiri kubva kurudyi) achinyora gwaro remuriwo waainge atengesa apo vamwe vake vaiona svondo rapera. – Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

VANA vepaNyambiri Secondary School, kwaSeke, vari kusimukira muzvidzidzo zvemabasa emawoko zvinosanganisira kurima izvowo zviri kuita kuti chikoro ichi chiwane mari.Kwayedza yakashanyira chikoro ichi ndokuwana vamwe vana veForm 2 neForm 4 vari mushishi kutengesa muriwo, matomatisi nehanyanisi.

“Pachikoro chedu tine chidzidzo chemabasa emawoko chezvekurima saka tinoti zvatinenge tafunda muzvikoro tinonozviita kumunda izvo zvinobatsira kuti tikure tichigona kushandisa mawoko. Vamwe vanogona kuda kuita madhumeni, varairidzi vezvekurima kana vanamuzvinabhizimusi vane mapurazi.

“Tinotengesa zvimwe zvezvatakarima kubindu rechikoro kuti tiwane mari inoshandiswa mune zvakasiyana sekuendesa kumitambo yemuzvikoro kana kunoona nzvimbo dzinoyevedza,” anodaro Yollanda Gumbajera (17) uyo ari muForm 4.

Anoti vanodzidziswa zvakare kuti chose chinenge chatengwa chinofanirwa kunyorwa mumagwaro kuti vaone mafambiro ebasa ravo.

Brighton Mushure (16) uyo ari kuita Form 2, anoti kurima kwakakosha nekuti ndiko hwaro hwebudiriro.

“Ini ndinoda kuzoita murimi mukuru kana ndichinge ndapedza chikoro nekuti munhu wose anoda kudya saka zvichaita kuti ndiwane vatengi vakawanda pagoho rangu,” anodaro.

Mukuru wevana (headboy) pachikoro ichi, Smart Mukwereri (18), anorumbidza zvidzidzo zvemabasa emawoko achiti zvakakosha zvikuru.

“Kusimukira kwechikoro kunobva kuvadzidzi nevarairidzi. Saka mabhindauko aya haapereri mudzidzo bedzi kuti vana vapase asi inhaka huru,” anodaro.

Anoti mari iri kuburwa mukutengesa zvirimwa iri kubatsira zvakare dzimwe nherera dziri kunetseka kuwana mari dzechikoro.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×