MSD yotsvaga mari yekufirita makore

Muchaneta Chimuka
BOKA reMeteorological Services Department (MSD) rinoti riri kutsvaga rubatsiro rwechimbi-chimbi rwemari inodarika US$200 000 rwekuti rikwanise kufirita makore (cloud seeding) mumwedzi waKukadzi naKurume senzira yekuti mvura inge ichinaya kune mamwe matunhu enyika uko zvirimwa zvatarisana nekuwoma nekuda kwekushomeka kwemvura.

Mukuru weboka iri kuchikamu chinoona nezvemamiriro ekunze, VaTich Zinyemba, vanoti matunhu akadai seMashonaland, Matabeleland North, Midlands neManicaland achawana mvura shoma munguva iri kutevera.

“Mumatunhu akadai seMasvingo, Matabeleland South, Manicaland neMidlands mvura ichange iri shoma kwazvo. Tiri kukurudzira kuti makore ange achifiritwa kubvira iko zvino kusvika mumwedzi waKurume saka tiri kutsvaga mari yekuti basa iri ritangiswe,” vakadaro. Boka ravo, vanodaro VaZinyemba, rinoda US$97 000 kuti ringe richibhadhara chikwereti chegore ra2013/14 kukambani yavakahaya kuti ifirite makore uye US$150 000 yekuti pachitangiswa chirongwa chekufirita makore kwemaawa 100. MSD, mubhajeti renyika regore rino, yakapihwa

$400 000 yechirongwa chekufirita makore mumwaka wekurima wa2014/15 kunyangwe zvazvo mari iyi isati yaendeswa kuboka iri.

VaZinyemba vanoti kufiritwa kwemakore ndeimwe nzira inobatsira kuti mvura inge ichiwedzera kunaya munzvimbo dzinenge dzakatarwa. Chirongwa chekufiritwa kwemakore chinowanzoitwa kutanga kwemwedzi waMbudzi kusvika Kurume zvichienderana nemamiriro ekunze.

“Haazi makore ose akakodzera kufiritwa. MuZimbabwe mune mhando imwe chete yemakore anogona kufiritwa kuti atiwanise mvura akadai se’Cumulus,’” vakadaro. Gurukota rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro, Cde Joseph Made, vakatsinhira nezvekushomeka kwemvura yekunaya vachiti izvi zvinogona kuderedza goho mwaka uno.

“Kukasika kuenda kwemvura kwakakanganisa zvirimwa zvizhinji munyika, zvikuru chirimwa chefodya nemafuro ezvipfuyo. Kuchizoti dambudziko remakonye ayo ari kuparadza zvirimwa mumatunhu akasiyana. Tiri kukurudzira varimi kuti vaise zvirimwa zvavo fetereza kuti zvikure zvakanaka,” vakadaro.

Vakakurudzirawo varimi kuti vashandise madiridziro senzira yekurwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze idzo dzinogona kukonzera kushomeka kwemvura yekunaya.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×