‘Ngwarirai zvirwere zvezvirimwa’

Kingstone Mapupu
VARIMI vakayambirwa kuti vagare vachiongorora zvirimwa zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyana, zvikuru munguva ino yezhizha apo tumbuyu tunokonzera zvirwere izvi tunowanda zvinozoitawo kuti goho ravo ridzikire.

Nyanzvi mukupa mazano ezvekurima munyika vanova murimisi, VaJohnson Muzarurwi, vanoti varimi vanofanira kuongorora zvirimwa zvavo kuti hazvina zvirwere here kusvikira panguva yekukohwa.

“Kana muminda muine sora kana kuti bundo tumbuyu tunowanda twunozokonzera zvirwere kuzvirimwa saka murimi kana achigara achiongorora minda yake anokurumidza kuona zvirwere zvinoita kuti atore matanho nekuchimbidza,” vakadaro VaMuzarurwi.

“Murimi anofanirwa kuziva mhando yezvirwere zvose zvingangokanganisa zvirimwa zvake, zvimwe zvinotangira muvhu zvimwewo zvinobuda kunze zvichikanganisa mashizha mozoona zvirimwa zvabvaruka-bvaruka mashizha,” vakadaro VaMuzarurwi. Vanoti zvakosha kuti varimi vashande pamwe chete nemadhomeni mumatunhu avo mukurwisa zvirwere izvi sezvo varimisi ava vachiziva mishonga inofanirwa kunge ichishandiswa pachirwere chimwe nechimwe.

VaMuzarurwi vanoti hwiza zvakare dzinogona kudya zvirimwa nekudaro varimi vanofanira kutora matanho ekudzivirira mbesa dzavo kubva kutupukanana twakadai.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×