MSU yakadadisa

CHAINGE chakatsva kuGweru svondo radarika paMidlands State University uko yunivhesiti iyi yakaita zvinorova ndokuhwapura menduru 26 apo 15 dzaive dzegoridhe, 8 dzesirivha pamwe nenhatu dzebronze pamutambo weZUSA Old Mutual Championships.
MSU yakahwina menduru idzi mumitambo yakaita senhabvu yevarume apo yakabvuta mukombe kubva kuUniversity of Zimbabwe mufainari yainakidza kukunda ngoma kurira.

MSU yakakunda UZ 4-3 kumapena, UZ ndokuhwina sirivha pamutambo uyu kozoti Chinhoyi University of Technology (CUT) yakahwinawo bronze.

Kunhabvu yemadzimai, UZ ndiyo yakahwina goridhe mushure mekunge yakunda CUT mufainari iyo yakazohwina sirivha.

Pane mimwe mitambo yakatambwa svondo radarika, MSU yahwina menduru yegoridhe kubasketball yevarume apo yakakunda Women’s University in Africa (WUA) mufainari yemutambo uyu.

Mumutambo yemadzimai yebasketball WUA yakahwina goridhe apo yakunda MSU mufainari, National University of Science and Technology (NUST) yakahwina menduru yebronze.

MSU ndiyo yainge yakatungamira pakuhwina mikombe mumitambo yakasiyana ichiteverwa neUZ iyo yakahwina menduru 16 pamwe chete – shanu dzegoridhe, nhanhatu dzesirivha pamwe neshanu dzebronze – kuchizoti NUST yakahwinawo 10 pamwe chete.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×