Murimi ovandudza zvirimwa

CDE Remigious Matangira (kubva kurudyi) nevashandi vavo vanoti VaZebio NyatsanganaVaSimangaliso Ngwenya vakabata upfu hweZim-Asset.  — Mufananidzo: Memory Mangombe
CDE Remigious Matangira (kubva kurudyi) nevashandi vavo vanoti VaZebio NyatsanganaVaSimangaliso Ngwenya vakabata upfu hweZim-Asset. — Mufananidzo: Memory Mangombe

MURIMI mukuru uyo anove zvakare mumiriri weBindura South mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira, vovandudza marimiro avo kuburikidza nekugaisa hupfu kubva kuchibage chavari kurima papurazi ravo kuBindura.
Cde Matangira vakati vakatanga bhindauko rekugayisa upfu iri nekushandisa zvose zvinobva pachibage nedonzvo rekuzadzikisa chirongwa chehurumende chekuvandudza upfumi hwenyika cheZim-Asset.

“Pano pamunda wangu ndiri kuita mabasa akawanda anoenderana nechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika cheZim-Asset.

Pano ndiri kurima chibage ndichichikohwa nemishina yepamusoro.
Tiri kugaya hupfu tega pamwe chete nekuhuisa mumasaga akanyorwa kuti Zim-Asset apo hunozotengeswa muzvitoro zvakasiyana- siyana.

Maguri echibage ichi nemagufu acho tiri kuagaisa kuita chikafu chehuku,” vakadaro.
“Zvese izvi tiri kuedza kuvamba mabasa uye kuvhura misika yekutengeswa kwezvinhu zvanga zvisisiri mumusika panguva yanga yambooma zvinhu munyika.”

Cde Matangira vakakurudzira vamwe varimi kuti vandudze marimiro avo kuburikidza nekugadzira zvimwe zvinhu kubva muzvirimwa zvavo.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×