Mubairo weVaseline hutu kuZvishavane

MUTENGI akaita mhanza yekuhwinha mubairo mukuru we$20 000 mumakwikwi eUnilever Vaseline Winter Warmer Promotion a2014 akatenda kambani iyi nekuvandudza kwairi kuita upenyu hweveruzhinji, kuburikidza nemibairo yainopa.

Vachitaura muHarare apo vaigashidzwa mubairo wavo svondo rapera, VaDavis Karuru vekuZvishavane, vakati pavakapinda mumakwikwi aya vaive vasina tarisiro yekuhwinha mubairo mukuru uyu.

“Ndine mufaro mukuru nekuda kwemari yandawaniswa neUnilever.

“Kambani iyi iri kusimudza marombe kubva muguruva nekuti upenyu hwangu handina kumbowaniswa mari nechinhu chidiki chakaita sekutenga mafuta ekuzora.

“Mafuta aya takangokura tichidzidziswa kuti ndiwo chaiwo asi handina kuziva kuti rimwe zuva achandiwanisa mari yakawanda kudai. Mari iyi ndichaishandisa kupedzisa kuvaka imba yangu yekuCrowhill (kuZvishavane) iyo yanga isati yapera,” vakadaro VaKaruru.

Vamwe vakawana mibairo mikuru ndiVaObert Makaza wekwaMutoko ($10 000), Lynary Neuseso wekuBudiriro, muHarare ($5 000) naJimmy Mupundo uyo akahwinawo generator.

Anoona nezveVaseline kuUnilever, VaMukumbi Kyalusanza, vakakurudzira veruzhinji kuti vapinde mumakwikwi aya vachiti anounza shanduko muupenyu hwavo.

“Sekambani tinoshuvira kuramba takabatana nevatengi vedu, kuburikidza nekupinda munharaunda dzavo nezvirongwa zvinovandudza magariro avo,” vakadaro VaKyalusanza.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×