‘Mukadzi anokorobha pandinenge ndatsika’

Arnold Kaseke
MURUME wekudhonzerwa kudare nemudzimai wake akagunun’a achiti mukadzi uyu haadi kumuona zvekuti akasvika pamba anokorobha tsoka dzake uye ave kudanana neshamwari yake.
Mariana Namphingo akaendesa murume wake, Jacob Namphingo, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

“Murume uyu anogara achindishungurudza zvisingabvire. Anoda kundidzinga pamba achiti ndakamuisira mushonga wekumuuraya. Ndini ndinogara ndichiburitsa mari yemagetsi nemvura. Anoti anoda kutengesa imba yacho zvino ini nevana vake tinosara tichigara pai?” akadaro Mariana.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akabvunzawo Jacob kana chaive chokwadi chaitaurwa naMariana asi haana kutenderana nazvo.

“Vedare, zviri kutaurwa nemukadzi uyu inhema. Ini ndave kutotya kuuraiwa naye, anogara achindivimbisa kuti anoda kundiuraya. Handigare ndiri pamba ini ndinopedza mazuva akawanda ndisipo uye haatomboda kundiona pamba. Anokorobha pese pandinenge ndatsika ndakangopinda mumba uye handichatopindi mumba macho. Kana ndabva kupurazi ndinotopihwa zvipfeko zvangu ndiri panze,” akadaro Jacob.

Jacob akati kunyangwe zvazvo ari iye akaisa maroja pamba, mukadzi wake haamutenderi kubata mari yacho uye mukadzi uyu ave kudanana neshamwari yake.

“Ndakaisa maroja pamba asi handitombobvumidzwi kubata mari iyoyo. Pese pandinoedza kuibata anobva andityisidzira achiti anoda kundiuraya. Iye zvino ave kudanana neshamwari yangu, shamwari yangu iyi yakatouya kwandiri ikandiudza kuti mukadzi wangu akamuudza kuti handisi kugona kumuchengeta saka anoda kunditorera.

Vakatowirirana ndakatoratidzwa umboo hwemameseji avaitumirana,” akadaro Jacob.

Mutongi Siwardie akati Jacob naMariana vagarisane zvakanaka uyezve kana vafunga zvekurambana vatore matanho chaiwo.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×