Muchaworera mujeri: Muchinguri

ZIMBABWE ichava nemutongo wakaomarara, unoita kuti anobatwa nemhosva yekubhinya aworere mujeri kwemakore 30.

Izvi zvakaziviswa negurukota rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, svondo rapera muHarare apo vaiparura chirongwa chekurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi, che16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

Cde Muchinguri vakati apo dare reCabinet richatambira zvisungo zvakapihwa, vanobata vana vane zera rekubvira pakuzvarwa kusvika makore 12 okuberekwa, kubata chingochani nevanobhinya vachiziva kuti vane utachiona hweHIV, vachatongerwa kuworera mumajeri kwemakore 30.

Vanoti zvisungo izvi zvinotevera hurukuro dzakaitwa nemapoka akasiyana pamusoro pekuwanda kuri kuita nyaya dzekubata chibharo.

Cde Muchinguri vanoti pari zvino vanhu vari kubatwa nemhosva dzekubata chibharo vari kupihwa mitongo yakasiyana.

Vakapa muenzaniso wenyaya yakafumurwa neKwayedza gore rino, yemumwe murume wekuBuhera, uyo vakati akawanikwa asina mhosva nedare apo aipomerwa kubata chibharo vanasikana vake vaviri vane makore 13 ne15 okuberekwa, nekuda kwekushaikwa kweumboo. Vana ava vakasvika pakubata mimba uye vose vatova nevana.

Cde Muchinguri vakati izvi zvinoratidza kusamira zvakanaka maringe nematongerwo enyaya dzakadai.

“Hatingarambe tiine mamiriro ezvinhu ekuti kuba mombe kunoonekwa semhosva huru kudarika kubata chibharo,” vakadaro.

Vakataura izvi zvichitevera mimwe mitongo inopihwa kumatare apo munhu anowanikwa aine mhosva yekuba mombe anogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore akawanda kudarika anenge abata chibharo.

Cde Muchinguri vakakurudzirawo mhuri kuti dzigare murunyararo pasina mhirizhonga.

“Hurumende iri kushanda nemadzishe, vemakereke pamwe nemasangano akazvimiririra mukudzidzisa vanhu magariro akanaka,” vakadaro.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×