‘Vaimbi siyanai nembanje, bronco’

MUIMBI weZim gospel dancehall, Fradereck ‘Vito’ Chidyausiku, uyo vazhinji vanoziva saKiller Bees anoti vaimbi vanofanirwa kusiyana netsika yekutora zvinodhaka zvakaita sembanje nebronco izvo zvinozokonzeresa mhirizhonga kumashoo avo.

Killer Bees anoti mhirizhonga yakaitika nguva yadarika kuCity Sports Centre pashoo yeSting apo Seh Calaz naSoul Jah Luv vanonzi vakarwa pasiteji inonyadzisa zvikuru. “Sevaimbi ibasa redu kuimba mhanzi inodzidzisa ine rudo uye tinofanirwa kuziva kuti kubika mhanzi hakusi kuita makwikwi.

“Vamwe vaimbi vemazuva ano havachazvizive izvi vave tsvaga hukuru uye vazhinji vacho vave kutora zvinodhaka izvo zviri kuvatuma kuita zvisina maturo.

“Vapfana vangu ava ngavadzikame, ndinovakurudzira kuimba mhanzi inovaka chete kwete zvemhirizhonga. Zvavakaita kuCity Sports Centre ngavapfidze kuti hazvidzokorodzwe,” akadaro Killer Bees.

Killer Bees mumwe wevaimbi vakatangisa musambo weZim gospel dancehall uye akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi ‘Utsvene hwaMwari/Righteousness’ nguva yadarika.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×