ICHOKWADI chakaimbwa naAlick Macheso paakati, “Mude, mude musikana wako. Ride, ride basa rako.” Kune vanhu vasingazive kuti pavanorega kuda mumwe wavo – angave murume kana mukadzi – panenge pane vamwe vanenge vachiti, “Dai murume uyo, kana mukadzi uyo ari wangu.”
Ndizvo zvakaimbwa naGire muchimbo chaLeonard Dembo achiti, “Vanondida vakawanda wena, unozviziva ndinoswera ndaroorwa.” Kune rimwewo divi murume achiti, “Vanondida vakawanda wena, unozviziva ndinoswera ndaroora.”
Zvimwe chete nebasa, kune vanhu vanogara vachipopota nekusafara nebasa ravo, asi havazive kuti nekuwanda kwaita vanhu vasiri pamabasa kunze uko, basa ravo haripedze 30 minutes risati rapindwa nemumwewo anorida rakadaro.
Nhamo yedu kazhinji ndeyekujairira chinhu kana rudo kana mumwe wako zvekuti unopedzisira usisaone kunaka kwake. Zvinonzi nevanogona kutaura, “Vanhu vanogara pedyo negungwa vanopedzisira vasisanzwe ruzha rwunoitwa negungwa.” Chinodariso inyaya yekuti gungwa racho vanenge vanyanya kurijaira zvekuti harichavashamisa kana kuvayevedza.
Inguva zhinji nesu mukunamata kwedu mungave mumachechi kana pachedu sevanhu tinopedzisira tajairira Mwari zvekuti hatichamuda kana kubata zita rake nehutsvene.
Hatichatya kuti Mwari ari kudenga, isu tiri pasi. Kukanganwa kuti Mwari ndiani, uye kuti ariko uye akatimirira kuti kana tazofa tizomira pamberi pake tichipindura mibvunzo yezvataiita pano panyika.
Ndinotya kuti munguva dzakaita sedzino dzeEaster, nguva dzekurangarira kufa nekumuka kwaJesu, vazhinji vedu tinotozoita zvekuvhunduka kuti pane akatifira taona vamwe vachitakura michinjikwa. Kuvazhinji vedu, Easter yave nguva yetwutsuro twakatakura mazai akagadzirwa nechokoreti.
Asi, kune vanodzamisisa pfungwa, twutsuro tweEaster hatwungatsive kurohwa nekutambudzwa kwakaitwa Jesu kuti ini newe tikwanise kuzoona Mwari nerimwe zuva.
Twutsuro tweEaster nemazai akagadzirwa nechokoreti hazvisizvo zvakanzi naJesu, “Itai izvi muchindirangarira.”
Saka ndichiti ndinotya kuvarairwa nedzimwe dzidziso dzinobvisa pfungwa dzedu pachokwadi cheEaster dzichidziisa patsuro dzine mazai echokoreti.
Ndinotya kuvarairwa kwatinoita tichifunga nhamo nematambudziko ekushaya mari nemabasa. Kutambudzika kana kukanyanyisa, kunopedzisira kwave icho chinhu chatinongotaura nezvacho chete.
Thomas Mapfumo akaimba chimbo chaanoti, “Shamwari tasangana. Hurukuro ndedzei?” Anopindura mubvunzo uyu anoti, “Hurukuro hurombo.”
Ichokwadi, hurukuro dzedu dzave pamusoro pehurombo. Asika hurukuro dzehurombo hwedu ngadzirege kutiita kuti tikanganwe John 3 v 16. “Nekuti Mwari akada nyika, nekudaro akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari ega kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa, asi ave nehupenyu husingaperi.”
Munamato wangu kwauri munguva dzatiri kujairira Mwari zvekuti tinopedzisira tisisavade kana kuvatsvira mwoyo ndeuyu:
Tizunguzei tipepuke, Tenzi.
Tizunguzei timuke kana tichinge tagarika. Kana tichinge tatsamira piro yerugare. Tichinge tarova nhamo netsvimbo. Tichigutsikana nekutendeuka kwatakaita. Kana tichinge tave mabhenji emuchechi akamirira kugarwa, asingakushandirei.
Tizunguzei Tenzi, kuti tisvinure, kubva murugare rwatisvitsa patiri pekusave nenyota yemvura yehupenyu. Nekuti tave namwari anonzi nyika, zvekuti hatichadi zveDenga renyu nekuti takadya nyika ikatinakira.
Hezvo nyika yatizvimbira, yatidhaka tave kurutsira imi Mwari neDenga.
Tizunguzei Tenzi, kuti tisimuke, tifambe sechirema chaive pamukova wetemberi. Itai kuti tisatye kukura kwaGoriyati, nekuti makatirwira pashumba nevavengi vane simba.
Tizunguzei Tenzi timuke, tipete magumbeze ekudziirwa nepfambi inonzi nyika, titsvage hupenyu husingaperi muna Jesu.




