Mudzidzisi chikwapuro cheShona

MUDZIDZISI wepachikoro cheSt Francis of Assisi chiri kuChivhu, uyo anove shasha pakufundisa Shona, svondo rapera akahwapura mubairo mukuru kumabiko eMashonaland East Provincial Merit Awards.Muhurukuro neKwayedza, Mai Liya Mangara vanoti vakatanga kudzidzisa Shona mugore ra2001 uye vakawanda vevana vanodarika nemumawoko avo vanobudirira.

Vanoti pavana vavo 176 vakanyora bvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) gore rapera, 148 vakabuda nemaA, 27 vaive nemaB uye mumwe chete ndiye akawana D.

Mai Mangara vanoti chidzidzo cheShona chinoda murairidzi ane moyo murefu pabasa.

“Zvinodiwa kuti vana vapedze syllabus yeShona zvakawanda izvo zvinosanganisira kuziva kunyora pfupiso, rondedzero, kuongorora mabhuku zvakadzama zvose nenhetembo.

“Zvose izvi zvinoda kuti vana vechikoro pavanozononyora bvunzo vange vazvinzwisisa. Chimwe chinodiwa zvakare moyo murefu nekuti vamwe vana vemazuva ano havafarire chidzidzo ichi,” vanodaro.

Mudzidzisi uyu anoti vanobatsirika zvikuru nekushandisa bepanhau reKwayedza mukufundisa vana kuburikidza nechikamu cheDenhe Reruzivo.

“Ndinobatsirikana zvakanyanya nebepanhau reKwayedza mukudzidzisa vana chidzidzo cheShona. Ndava nemakore 16 ndichidzidzisa chidzidzo ichi, bepanhau iri rinoyamura zvakanyanya muongororo yemabhuku zvekuti vana vechikoro vanokasika kunzwisisisa,” vanodaro Mai Mangara.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *