Mudzidzisi paNust onzi akatiza mhuri

Garnet Zvimba
MURAIRIDZI wepayunivhesiti yeNational University of Science and Technology (NUST) wekunzi akatiza mhuri ndokuisiya ichikwangwaya akazochechuka amiswa mudare ndokunzi abvise $300 yevana vake. Theresa Rashau akaendesa Obey Sibanda kuHarare Civil Court achiti akange ave negore amutiza achimusiya oga achitambura nemhuri.

“Murume uyu akanditiza mumba gore rapera munaZvita akandisiya ndoga nevana. Chandipa kuuya kuno inyaya yekuti kubvira ipapo anga asisaoneki kana kutenga chikafu mumba.

“Zvino ndaona kuti ndirambe ndichitemeswa musoro nemunhu zvinganetse, ngaandipe mendenenzi ndichengete vana iye aende zvake kupfambi dzake dzadai kumutenderedza musoro.

“Anotambira mari inodarika $1 000 uye zvose zvaari kuti haasi pabasa manyepo chaiwo mudare,” akadaro Rashau.
Sibanda akaudza dare kuti ave nenguva refu asati apihwa mari yemuhoro wake kuyunivhesiti kwaanoshanda uye ane mumwe mudzimai ane pamuviri.

“Pari zvino handisati ndaziva kuti ndichapihwa here mari yangu sezvo ndanga ndisipo, ndiri kuchikoro. Zvekare ndinobhadhara mari yechikoro sezvo ndiri kuwedzera fundo yangu uye ndine mumwe mudzimai anotova nepamuviri.

“Ndiri kutya kuti zvingandiomere sezvo mari iri kurehwa iyi yakawandisa, handisati ndaimboibata mumawoko angu,” akadaro.
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Sibanda abvise $300 pamwedzi.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×