‘Runyoka rwakanaka, kuchengetedza’

MBUYA Marita Ried
MBUYA Marita Ried

Kingstone Mapupu
RIMWE godobori pamishonga yechivanhu kuChitungwiza, Mbuya Marita Ried, vanoti hapana chakaipa pakushandisirana mishonga yerukawo pakati pevakaroorana sezvo iri inzira yekuchengetedzana. “Izvi hazvina kuipa nekuti kazhinji munhu wese wechirume akasvika padyo nemukadzi asiri wake vamwe vanonzwa zvisizvo vopfimba madzimai evamwe,” vanodaro Mbuya Ried.

“Varume vanopinga vakadzi vavo ava hatifaniri kuvashora nekuti mamwe madzimai ari kunyanya kupoya mudzimba achiita zvechipfambi. Zvakangofanana nemunhu anovakira mombe dzake danga kana kukiya hozi yake kuti mbavha dzisapinde,” vakadaro.

Vanoti kunyangwe Bhaibheri chairo rinoti hapana chimwe chivi chinorambirwa mudzimai nemurume wake kunze kwekunge aita gumbo mumba, gumbo panze.

“Mudzimai anopa rudo rwake kune vamwe varume ndiye muroyi mukuru. Saka rukawo urwu rwakanaka nekuti vamwe vakadzi vemazuva ano vasiyana nesu vakare, vave kushereketa, havagutsikane nemurume mumwe chete uye vanoda kunzwa vose,” vanodaro.

Related Posts

Murume wekurwiswa negarwe owora maoko ose

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 31 okuberekwa wekwaSabhuku Muchinjiko kwaChiendambuya, kwaRusape — uyo akarwisana negarwe rikamutyora maoko ose — anoti maoko aya ave kuwora nekuda kwemaronda akakuvarira mukati. Garikayi Chiweshe…

‘Ngwarirai maguruvhani anoshandisa dandemudande‘

Kingstone Mapupu VERUZHINJI vokurudzirwa kuti vangwarire nhubu kana kuti maguruvhani ari kushambadza midziyo yakadai semotokari pamadandemutande akasiyana-siyana uye vachizopedzisira vabira vanhu mari yavo. Yambiro iyi inotevera kusungwa uye kumiswa mudare…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×