Mudzidzisi raira: CHISHONA CHAKADZAMA

CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaKatsande Primary Schoo, kuMudzi.

1. Huku ikandira mazai, kana mazai aya asati achochonywa anonzi chiumira.

2. Chidembo chinonzi chinoburitsa mweya unonuhwa zvikuru. Mweya uyu unonzi chiveza.

3. Kazhinji vanhu vanotema miti minyoro kuti vazoiite huni vounganidza. Kana huni idzi dzichiri nyoro dzinonzi chiuni. Kana dzaunganidzwa dzinonzi bakwa.

4. Pane munhu anoti akagarwa neshavi anove mazvikokota pakurapa. Shavi iri rinonzi changoma. Iye anonzi godobori.

5. Mombe kana mbudzi inourayiwa yovhiyiwa. Pakuvhiya apa pane nyama dzinosara dzakabatirira padehwe. Nyama idzi dzinonzi nzariro.

6. Pane makomo akati twi akanongedzera mudenga asingakwiriki, segomo rinonzi Mutiwaora riri kwaMutoko kana Damusi riri kwaMusana. Gomo iroro rinodeedzwa kuti gurungundu nekuti harikwiriki.

7. Munyika munogona kuita nzara nekusanaya kwemvura. Mvura inozonaya mushure menzara inonzi donhodzo.

8. Panguva yekukohwa, chikafu chinenge chizere muminda. Iyi ndiyo nguva yekuti shiri dzinoguta. Nguva iyi inonzi makorashiri.

9. Kana mwaka wechando wave kuda kutanga, pane mvura inonaya. Mvura iyi inonzi madziura chando.

10. Sadza rikabikwa riine hupfu hwakasangana sangana, sekuti hwechibage, zviyo kana rukweza, sadza iroro rinonzi gukumatsetse.

11. Damba rine muto unenge uri mariri. Muto uyu unonzi mutadzva.

12. Hanzvadzikomana inogona kuroora nemombe dzabva kwakaroorwa hanzvadzisikana. Pfuma yemombe iyi inonzi chipanda.

13. Ipwa dzinorimwa muminda. Ipwa isati yatumbuka inonzi gavha.

14. Mupunga unogona kunyikwa mumvura wopfava wozodyiwa uri mumbishi. Kudya uku kunonzi mvuwe.

15. Gomo rose pane parinotangira. Parinotangira apa panonzi jinga kana udukuza.

 Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti [email protected]. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×