Mudzimai (33) asungwa akweva ropa remwana

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 33 okuberekwa wekuGokwe – Mavis Sibanda – akasungwa nemhosva yekukweva ropa mumuviri memumwe musikana weko wemakore gumi okuzvarwa achishandisa tsono.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa26 Chivabvu nenguva dza10am.

Vanoti Sibanda aiva pamusika wake mudhorobha reGokwe apo anonzi akashevedza mwanasikana uyu uyo aidarika nepanzvimbo iyi.

Panguva iyoyo, Sibanda anonzi akabva abaya mwana uyu netsono dzinoshandiswa muzvipatara ndokumukweva ropa.

Mudzimai uyu akabva asungwa uye nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa.

Inspector Mahoko vanoti Sibanda ari kutarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *