Mudzimai akaita bofu arota nyoka dzichimunanzva

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuStop Over, kuEpworth anoti akasangana nemashura muupenyu hwake apo akarara achirota achiona nyoka dzakasiyana ndokuzofuma rechimangwana racho asisaone.

Mai Chenai Musona (34) vanoti mugore ra2017, vakatanga kunzwa mazwi munzeve dzavo evanhu vavaisaona ndokuzotanga kurwadziwa nemaziso nemusoro ayo vainorapwa kuzvipatara pasina chaibatsira.

Mudzimai uyu, uyo kumusha anobva kwaMambo Gwangwava kuRushinga, kuMt Darwin, anoti nemusi wa23 Zvita mugore ra2023 akarara achirota nyoka dzakasiyana apo mangwanani ezuva rakatevera akabva afuma asisaone.

“Dambudziko rangu rine nhoroondo inotyisa iro ndinodawo kubatsirwa, zvakatanga zvichiita sedambe ndichingovaviva mumaziso apo ndakatanga ndichingonzwa mazwi munzeve dzangu vanhu vacho ndisingavaone. Mugore ra2023, ndakabva ndarara ndichirota nyoka dzakasiyana dzichindimonera nekundinanzva ndokufuma ndava bofu. Kubva ipapo ndinongofamba kwakasiyana-siyana asi hapana zviri kubatsira,” vanodaro Mai Musona.

Mudzimai uyu anoti apedza kutengesa zvinhu zvose mukurarama kwake achitsvaga kubatsirwa kubva kuzvipatara, kumaporofita nen’anga asi hapana chiri kusanduka.

“Ndaneta mufunge saka ndakazouya kwamuri (Kwayedza) kuti nditsvagewo vanondibatsira. Mhuri yangu handichagona kuiriritira, ndava kurarama nekupemha uye hama hapana vanogona kundibatsira. Chishuwo changu kuti ndikwanisewo kuona sezvandaiita kare,” vanodaro Mai Musona.

Nyanzvi dzinoona nezveutano dzinogara dzichikurudzira veruzhinji kuti kana varwara ngavaende kunanachiremba vakadzidzira basa hurwere husati hwakomba.

Related Posts

Makore matatu mujeri atema muvakidzani mumusoro nebhodhoro

Danisa Masuku MURUME wekurova muvakidzani wake musoro nebhodhoro redoro rakaputsika, zvikakonzera kuti arasikirwe nekugona kutaura zvakanaka zvachose, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu. Talent Moyo (31), wekuInyathi mudunhu reMatabeleland North, akamiswa…

Murume akadzingwa kuSA awanikwa akafa akarembera mumuti

Tendai Vambe MURUME ane makore 38 ekuberekwa wekuChipinge akawanikwa akarembera mumuti pamba pavo svondo rapera, mushure mekunge anetseka mupfungwa nekuda kwezvinhu zvaakasiya kuSouth Africa paakadzingwa munyika iyoyo. Mutauriri wemapurisa mudunhu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *