Mudzimai anoisa weti muchikafu

Chipo Mukorama

WANANO yemumwe murume nemudzimai wake yoda kuparara zvichitevera katsika kanonzi kari kuitwa nemukadzi uyu kekusanganisa chikafu chaanobika neweti pamwe nekuchengeta imwe weti mubhodhoro yakavigwa muwadhiropu yavo.

Izvi zvakabuda apo Artwell Matemera akazvuzvurudzira mudzimai wake, Winny Johannes, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza.

Matemera anoti Johannes akamushereketera kuburikidza nekumuisa rukaho.

Nekune rumwe rutivi, Johannes ari kupomerawo  murume wake mhosva uyo anoti anounza  shamwarikadzi kumba kwavo izvo zvinoita kuti agumisire ava kushaya zvipfeko zvake zvemukati zvakati wandei.

Matemera anoti mudzimai wake akatanga kusanganisa weti nechikafu mushure mekumufungira kuti ainge asina kuvimbika.

“Ini ndinoshanda kuBindura uye mudzimai wangu anogara muno muHarare, takatanga kunetsana mushure mekunge ndamubata achiita gumbo mumba gumbo panze.

“Akatanga kuita zvisinganzwisisike, achiisa weti muchikafu ndikazoona kuti ari kusanganisa weti nemumwe mushonga wakaita kunge hupfu wandisingazive.”

Matemera akaratidza dare bhodhoro raanoti raive neweti yakasanganiswa nemumwe mushonga.

“Pandakamubvunza nezvemabhodhoro andakaona muwadhiropu yedu, akatanga kundituka achiti ndizvo zvinoitika kana usina mari.

“Akandityisidzira achiti anoda kundibaya nebanga ndikamurwisa ndikachekwa paruoko,” anodaro.

“Pose patinosasana pabonde, anomwaya mushonga wandisingazive pamuviri wangu, anondirovawo nekundirambidza kuona vana vangu.”

Johannes akapomera Matemera mhosva yekumushungurudza nekuunza shamwarikadzi dzake mumba mavo.

“Hongu, bhodhoro nderangu, asi ndinorishandisa kuchengeta mishonga sezvo ndichitengesa mishonga.

“Akandisiya ndiine pamuviri pemapatya, ndakarwisana naye nekuda kwetsika yake yekunditorera zvipfeko zvangu zvemukati achipa shamwarikadzi dzake.

“Akaudzawo vanhu vemunharaunda medu kuti ndakamutapurira njovhera,” anodaro.

Mutongi Meenal Narotam vakakurudzira vaviri ava kuti vatsvage chipangamazano anovabatsira ndokuzopa Matemera gwaro redziviriro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *