Muchaneta Chimuka
NEDONZVO rekusimudzira kuwanikwa kwechikafu pamwe nekurima kunoendeka, sangano reKopia rakaparura chirongwa chekutsigira kurimwa kwembambaira kunzvimbo dzinosanganisira kwaMutoko, kudunhu reMashonaland East.
Mbambaira chirimwa chinozivikanwa nekutirira muzuva nekudaro zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze, varimi vanokwanisa kuwana pundutso pamwe chete nekudya kunovaka muviri.
Mai Catherine Mutema, avo vanova Arex Officer kwaMutoko, vanoti kune mhando dzakasiyana dzembambaira dzinosanganisira Beurigurd Orange dzakapihwa kuvarimi serutsigiro neKopia.
Vanoti mhando yembambaira iyi inopa goho guru rinosvika matani makumi maviri pahekita.
Vadzidzi vezvekurima vekuUniversity of Zimbabwe (UZ) vari kubatsirawo mukurimwa kwembeu dzembambaira dzinozogoverwa kuvarimi kuti vasaomerwe.
“Tine mhando mbiri dzeOrange varieties dzine kudya kunovaka muviri. Sezvo nzvimbo ino ichirimwa mbambaira zvakanyanya, chinangwa chedu ndechekuvandudza kuwanikwa kwembeu. Pane imwe mhando yembambaira zvekare inodaidzwa kuti Beurigurd Sweet Potato. Tine varimi 50 muchirongwa ichi uye vamwe vanorima mbambaira idzi mumagreen house umo tiri kurimira mumwaka uno wechando tichishandisa zvirongwa zvemadiridziro,” vanodaro.
Mai Mutema vanoti Kopia iri kutsigira zvekare chirongwa chekurima Spitch potato chakanangana nekusimudzira varimi mune zvehupfumi nekupa dzidziso, rutsigiro nekuwaniswa kwemisika.
“Chirongwa ichi chinoita kuti varimi vawane raramo yakanaka kubva muzvirimwa zvavo, kusimudzira raramo yavo uye kubatsira mukusimudzira hupfumi hwenyika. Orange Fleshed sweet potatoes chirimwa chakanakira varimi chinoita kuti varambe vachiwana chikafu, zvikuru sei munguva ino apo nyika iri kurwisana nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro.
Vanoti mbambaira yemhando yeBeaurigurd Sweet Potato ine chikafu chine utano apo vanhu vanowana vitamin A neC, iron, potassium, minerals uye fiber.
“Chirongwa ichi chine donzvo rekusimudzira kudyiwa kwembambaira sechikafu chinovaka muviri uye chisingadhuri,” vanodaro.
Mai Mutema vanoti zvakakosha kuti varimi, avo vari kutsigirwa nesangano reKopia, vabatisise chirongwa ichi nekuti chinoita kuti vagare vachizviwanira mari apo vanotengesa goho ravo kumisika nekukwanisa kuriritra mhuri.
Mbambaira chirimwa chinogara chichidyiwa nemhuri dzakawanda uye chinotirira muzuva, zvikuru munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze apo mvura yekunaya iri kuramba ichiita shoma.




