WAG yosimudzira utano . . . Varume vave kuperekedza madzimai kuchipatara

SABHUKU Chitsungo vekuMbire District kudunhu reMashonaland Central murume ane rombo rakanaka.

Mwaka wadarika vanhu vemudunhu ravo vakawana goho guru zvinoratidza kuti vanogona kutungamirira.

Kuburikidza negoho rakanaka, varume vose vemudunhu mavo vari kutsigira zvirongwa zvekuti madzimai ange achinosununguka zvakanaka kuzvipatara.

“Sangano reWomen’s Action Group parakatidzidzisa nezveutano hwemadzimai akazvitakura nekuti tsanangurira kukosha kwekunosunungukira muzvipatara, ndakagara pasi nevarume vemudunhu mangu ndikavataurira zvazvaireva. Vakakasika kunzwisisa basa guru rinoitwa nemadzimai apo vanozvara vana. Varume vazhinji vave kuperekedzawo madzimai avo kuzvipatara kunotariswa panguva yavanenge vakazvitakura,” vakadaro pahurukuro yavakaita neWAG vari paMushumbi Business Centre, kuMbire munguva pfupi yadarika.

Makare, nyaya dzekusununguka dzaingoonekwa senhau dzemadzimai bedzi, dzisina chekuita nevarume mukati.

Izvi zvaidaro nekuti madzimai ndiwo aionekwa sevanhu vanotakura nhumbu nokudaro vaisiiwa vachienda kuzvipatara voga.

Zvisinei, ongororo dzakawanda dzakaitwa dzinoratidza kuti varume vakakosha mukuita sarudzo dzekubatsirwa kwemadzimai akazvitakura.

Nekuona kukosha kwavo, sangano reWAG riri kuita misangano yekupa chenjedzo kuvatungamiriri vematunhu akasiyana kuti vange vachibatsira mukufundisa vanhu vavo munharaunda nyaya dzekunorapwa kwemadzimai akazvitakura uye kusunungukira kumakirinika.

Vanogara vachiita misangano navo vachivafundisa nyaya dzeutano hwesikarudzi, kurwisa HIV, kupangwa mazano nekusununguka kwakanaka pamwe nekunoongororwa pamuviri nguva nenguva muzvipatara.

“Tinotarisa zvakare dzimwe nyaya dziri kuitika munharaunda medu dzakadai sekukasika kuroorwa kwevana nematambudziko anouya nekuda kweizvi pamwe nenyaya dzekurwisa mhirizhonga,” vakadaro.

Senzira yekuda kuona kuti utano hwemadzimai hwakosheswa, madzishe ari kubvisisa miripo kuvarume vasingadi kutsigira madzimai avo kuti vange vachienda munobatsirwa kuzvipatara.

“Murume asingadi kubhadhara mari yekuti mudzimai wake ange achinyoresa nhumbu kuchipatara kana kunovhenekwa HIV anoripiswa mbudzi,” vakadaro Sabhuku Chitsungo.

Kunyangwe varume vari munharaunda umu vari kufara zvikuru nedanho iri.

Zvigozhero zvinosanganikwa nazvo nemadzimai akazvitakura nepanguva yekusununguka ndizvo zvimwe zviri kukonzera ndufu dzakawanda dzemadzimai ari pakati pemakore 15 kusvika 49 ekuberekwa muZimbabwe.

Kunyangwe zvazvo ongororo yakaitwa neveMultilpe Indicator Survey (2014) ichiratidza kuti ndufu dzemadzimai nevana idzo dzinoitika panguva yekuzvarwa dziri kuderera kuenda pa614 pa100 000 yevana vanosunungukwa vari vapenyu, pachine basa guru rinofanira kuitwa kuti dzirambe dzichiderera kudarika apa.

Ndicho chikonzero sangano reWAG nerutsigiro rwemari inobva kuUNAIDS vari kutsvaga mari kunharaunda yekurwisa ndufu dzemadzimai nevana.

“Imwe nzira inobatsira mukuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekusununguka kugona kuronga mhuri kuti pasave nepamuviri pasina kurongeka,” vakadaro Mai Edinah Masiyiwa vekuWAG.

Vanoti sangano ravo rakaona zvakakosha kuti vange vachishanda pamwe nemadzishe namasabhuku vari munharaunda kuti vazive zvigozhero zviri kusangana nevanhu.

Hapana kupokana kuripo nepfungwa yekuti kushanda nehutungamiriri hwenzvimbo kuri kuitwa neWAG nevatsigiri vayo kuri kubatsira mukuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekusununguka muZimbabwe.

Chinyorwa chino chakavepo pasi pemabhindauko anodaidzwa kunzi UNH4+ Support to Reproductive, Maternal , Newborn and Child Health chichitsigirwa neUNAIDS homwe inobva kuHurumende yeSweden.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×