Kingstone Mapupu
MHURI yemudunhu raMambo Kandeya, kuMt Darwin, inonzi yakadzinga mwanasikana pamusha ndokumuramwira kumuporofita, uko ari kubatsirwa mushure mokunge afumura kuti akabatwa chibharo nababamukuru vake.
Mudzimai uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, anoti dambudziko rake rakatanga apo baba vake vekumubereka vakashaika, amai vake vachibva vagarwa nhaka nemukoma wababa vake, avo vaimushungurudza pabonde nedzimwewo nzira.
Anoti akazoroorwa uye ane mwana mumwe chete. Anotizve akazotizwa nemurume.
Achitsanangura nyaya yake kuKwayedza, apo aisvimha misodzi ari pamusha pemuporofita, mudzimai uyu anoti pakashaika baba vake, amai vake vakagarwa nhaka nemukoma wababa vake.
“Dambudziko rangu rakatanga mushure mekufirwa nababa, apo amai vakagarwa nhaka nababamukuru, mukoma wababa. Vakatanga kundibata chibharo ndiri mudiki. Mwanakomana wavo aindibatawo zvakare. Ndaitya kutaura nyaya iyi sezvo ndaiva mudiki,” anodaro mukadzi uyu.
Anoti akazoroorwa mugore ra2021 uye ane mwana ane gore nemwedzi miviri yokuberekwa.
“Nekuda kwedambudziko rekubatwa chibharo iri, ndakatanga kurwara ndiri kuchikoro, kunova kwakabudira nyaya iyi. Ndakazotsvaga kubatsirwa gore rakapera apo ndakauya kuno kwamadzibaba. Ndakabvunzwa nezvekubatwa kwangu chibharo, ndichibva ndabvuma sezvo chaiva chokwadi,” anodaro mukadzi uyu.
Anoti nyaya iyi yabuda, yakazosvitswa kumapurisa, ayo akatanga kuifeya, babamukuru vake vachibva vasungwa nokuda kwemhosva iyi.
“Vemhuri, vaisanganisira amai vangu vekundibereka, babamukuru ava nedzimwe hama, vakazouya kuno kumuporofita aindibatsira, vachibva vataura kuti ndaisafanirwa kudzoka kumba nokuda kwokuti ndakanga ndafumura nyaya iyi. Vakanditi muporofita uyu ndiye akanga ave baba vangu. Vakatizve nditore guva rababa vangu ndiriunze kumba kwemuporofita uyu. Vakaedzawo kurwisa muporofita,” anodaro mudzimai uyu.
Anoenderera mberi achiti: “Handizivi kuti amai vangu kutya kudzingwa pamusha here kana kurambwa. Hapana chavanotaura. Ndinosangana navo mudhorobha reMt Darwin pamwe chete naivo babamukuru asi havatauri neni. Padzimwe hama hapana anoda kundiona. Vose vakanditi handisisiri hama yavo. Vakatizve kana ndikafa ndichavigwa nemuporofita uyu.
“Handizivi kuti vaida kuti ndinyarare nyaya yekubatwa chibharo iyi here kuti ndigonzi ndine hama. Ndapedza gore ndichigara pano pamuporofita. Handina chandinobhadhara, kubva pakudya nesipo yekugezesa nekuwacha. Ndinotenda Mai Mukanya, mudzimai wamadzibaba, nekutambira dambudziko rangu.”
Anoti murume wake akambotiza asi iye zvino ave kudzoka zvishoma nezvishoma nekumuridzirawo nhare.
“Ndinotenda zvangu madzibaba Mukanya nemudzimai wavo nekundichengeta ndarambwa nehama. Chichemo changu ndechokuti ndiwane hangu basa rekuita sezvo ndangova ndoga pakurarama,” anodaro mudzimai uyu.
VaEnock Budzai (38) kana kuti Madzibaba Mukanya vanotsinhira nyaya yekuramwirwa kwavakaitwa mudzimai uyu pamba pavo nevabereki vake.
“Ndakatanga kubatsira mudzimai uyu pakabuda nyaya yokuti akashungurudzwa pabonde nababamukuru vake, avo vave kugara naamai vake, uyewo nemwanakomana wavo. Nyaya iyi yakabudira kuno, izvo zvakashatirisa mhuri yose, ikamuramwira kuno. Vakati havachada kumuona. Ndinogara naye pano; atopedza gore ndiinaye uye ndichagara naye kusvikira awana kwekuenda,” vanodaro Madzibaba Mukanya.
Vanoti vakapotsa varwiswa nevemhuri yemudzimai uyu.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naamai pamwe chete nababamukuru vemudzimai uyu nekuda kwekuti vanogara chinhambwe chakareba uye nhare dzavo dzaive dzisingabatike kusvikira pakubuda kwenyaya ino.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central Inspector Milton Mundembe vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ari kuita nyaya iyi.
“Nyaya iyi inoda kuti ndiitsvage zvizere kuti tizive kuti yakambofambiswa sei,” vanodaro Insp Mundembe.



