Mudzimai ari kundidzinga mubhedhuru’ ‘. . . hanzi ndachembera’

Lizzy Mushoriwa

MURUME wekuti ari kudzingwa pamba nemudzimai wake achinzi ave hari yefanzirofa nekudaro anofanira kunogara kumusha akademba mudare redzimhosva achiti mukadzi wake achiri kumuda.

Godfrey Joseph akamhan’arira Julia Joseph kuHarare Civil Court achiti anomutuka uye kumurova asi achiziva kuti anorwara.

“Mambo wangu, ndauyawo kuno nemukadzi wangu uyu, ndanzwa nekushungurudzwa. Tinogara tose asi anondidzinga mubhedhuru achiti ndachembera, handisisina basa uye anondinyima kodzero yangu yebonde. Kutaura kuno tava nemakore 26 tisingasangane,” anodaro Godfrey.

Anoenderera mberi achiti, “Pandinenge ndabuda nebasa, anotora zvinhu achitengesa achiti ndiende ndinogara kumusha apa ini handina kumusha. Mukadzi wangu ndomuda, asi haana basa neni achiziva kuti ndinorwara nemakumbo. Anondirova uye kundituka.

“Chandinongoda kuti asandirove, kundituka kana kundidzinga mubhedhuru nekuti ndimo mune chimbuzi chiri padhuze kuitira makumbo angu. Ane vanhu vari kumufurira kuti andirambe, otengesa imba,” anodaro Godfrey

Julia anoramba mhosva yaari kupomerwa.

“Uyu anga ari murume wangu, pari zvino takamirira magwaro ekuti tidambure muchato. Imba yavari kutaura takatenga tose, ivo ndokuzotiza kumba muna2003 vachinogara neshamwarikadzi.

“Kuzouya kwavo igore rino muna Chikumi vachitorwara ini ndikavatambira. Iye zvino ndiri kuvachengeta kuvapa chikafu, mapiritsi nemari dzekuchipatara,” anodaro Julia.

Anoti mumwe nemumwe wavo anorara mubhedhurumu rake.

“Ini handivashungurudze, ivo vane bhedhuru ravo ini ndine rangu.

‘‘Izvi ndakazviita nekuti vanoputsa zvinhu zvangu, ivo ndivo vatori nemhirizhonga kwete ini,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Godfrey gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *