Oda kupisira mudzimai mumba

Gamuchirai Muzanenhamu

MUDZIMAI wekuti murume wake anoda kumupisira mumba nepeturu akachema mudare achiti anoda kudzivirirwa.

Beauty Paradzanya akaendesa Jaime Mupfendaruza kuHarare Civil Court achiti anorwara, nekudaro kushungurudzwa kwaari kuitwa nemurume wake kwave kuwedzera denda rake. “Ndiri kuda gwaro rekuchengetedzwa kubva kumurume wangu nekuti ari kuda kundipisira mumba. Anoti ari kuda kudira peturo mumba mangu nekuti ndakamuti abve sezvo achindirova, kundinyepera nekunditevera kwandinenge ndaenda achikonzera mhirizhonga,” anodaro Paradzanya.

Anoti Mupfendaruza anoshambadza zvehurwere hwake kuvanhu izvo zvava kuita kuti vavakidzani vamusarure. “Ndiri murwere, saka ari kuudza vanhu vose kuti ndinorwara izvo zvave kuita kuti vavakidzani vandisiye nekundisarura mune zvavanenge vachiita uye dzimwe nguva ndinozonzwa mashoko asina kunaka pamusoro pehurwere hwangu,” anodaro.

Anoti kushungurudzwa kwaari kuitwa kwava kuwedzera hurwere hwake.

“Kundishungurudza kwaari kuita kuri kuwedzera hurwere,” anodaro Paradzanya. Mupfendaruza anoti zvinotaura izvi manyepo asi haapikisane nechikumbiro chemukadzi wake kudare.

“Mupei henyu gwaro raari kuda asi zvaataura hapana kana chimwe chandiri kuita saka hapana chingandirwadze,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Paradzanya gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *