Mudzimai atongerwa mwedzi 6 mujeri apisa mwana nemapurasitiki

Tendai Gukutikwa

MUDZIMAI wemunharaunda yeYeovil, kwaMutare, wekupisa maoko emwana wemurume wake ane makore mapfumbamwe okuberekwa achishandisa mapurasitiki ayo aitanga aisa pamoto achidonhedzera pamaoko ake pamwe nekumurova muviri wese netambo dzemagetsi, akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Akamiswa pamberi pedare reMutare Magistrates Court.

Zvisinei dare rakasendeka chirango chake parutivi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura nokudaro Precious Mudzinganyama (29) achanofondoka kwemaawa 350 pasina mubhadharo pamhosva iyi.

Mutongi wedare iri, Mai Anniah Ndiraya, vakapa mudzimai uyu chirango ichi mushure mekumubata nemhosva yekushungurudza pwere pasi pechikamu cheSection 7(1) ne57(5) chemutemo weChildren’s Act.

Muchuchisi Thurstone Mubvumbi vanoti nyaya iyi, iyo yakakonzera vanhu vemunharaunda kuti vagumbuke zvikuru, yakaitika munaGunyana apo zvakabuda kuti mwana uyu aienda kuchikoro aine maronda akaipisisa ekupiswa uye kurohwa netambo dzemagetsi.

Anonzi aikurudzirwa naamainini vake ava kuti ange achiviga maoko aya nekupfeka zvipfeko zvirefu kuti asaonekwe nevanhu.

Mai Ndiraya vanotsanangura hutsinye hwemhando yepamusoro uhwo hwakaitwa naMudzinganyama vachiti hunoshoresa uye haupembedzwi zvachose.

Mukusendeka chirango ichi parutivi, dare rakaona kuti musungwa uyu aka ndekekutanga kake kupara mhosva uye ane mwana mucheche.

Muchuchisi Mubvumbi vakaudza dare kuti nomusi wa27 Gunyana, Mudzinganyama akaona mwana uyu (mumhan’ari) achirova mwana wake izvo zvakaita kuti ange achishatiriswa nazvo.

Akabva atora mapepa epurasitiki ndokutanga kumupisa maoko pamwe nekumurova netambo yemagetsi.

Kushungurudzwa kunotyisa uku kwakazobuda pachena mushure mekunge mwana uyu amhan’ara nyaya iyi kuvarairidzi vepaMutare Adventist Primary School apo aidzidza avo vakazomutsvakira nzvimbo yekuti ange akachengetedzeka.

“Musi wa29 Gunyana, mwana uyu akaenda kuchikoro akanoudza mukuru wepachikoro chake, Mai Joice Tapfumanei, nezvenyaya iyi vanova vakazomhan’ara kumapurisa eZRP Mutare Central Victim Friendly Unit. Mwana uyu akazoendeswa kunzvimbo yakachengetedzeka uye ndokuzodarikidzwa kuVictoria Chitepo Provincial Hospital kuti anorapwa,” vanodaro VaMubvumbi.

Vanoenderera mberi vachiti mwana uyu akakuvara zvakanyanya pamwe nekushungurudzwa mupfungwa nechiitiko ichi.

VaMubvumbi vanoti chirango ichi chinofanira kuva yambiro huru kune vamwe vanhu vangangodaro vaine pfungwa kana kuti vari kuita zvimwechete izvi.

Mwana uyu akataura mashoko ekuti: “Dzimwe nguva ndaienda kuchikoro ndakapfeka mbatya dzine maoko marefu kuti ndivanze maronda ayo aibuda ropa zvichibva mukupiswa kwandaiitwa”.

Baba vemwana uyu havanawo kukwanisa kumumiririra mudare sezvo vaitomushora vachiti munhu anonetsa uye ane misikanzwa.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×