Mudzimai oita mashura nehuku

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI nyanzvi mukupfuiwa kwehuku — Evangelitsa Chekera, uyo anova zvakare managing director wekambani yePassion Poultry — anorumbidza kuwana kuzvitonga kuzere kweZimbabwe achiti kwakaita kuti vanhu vatema vakwanise kuzvivambira mabhizimusi avo anovapa chouviri.

“Rusununguko rwenyika ino rwunoreva kutambanukawo kwepfungwa dzedu kubva muhudzvanyiriri. Sevanhu vatema, tavawo nepfungwa dzekuita mabhizimusi edu tichitopinzawo vamwe mabasa, kusanganisira vachena vacho,” anodaro.

Chekera anoenderera mberi: “Ini ndiri mubhizimusi rekugadzira chese chinodiwa mukuchengetwa kwehuku mushure mekuona kuti chikamu che95 percent chehuku dzakanga dzichifa nekuda kwekushaiswa zvinodiwa semishonga, chikafu kana pekugara pakanaka uye kushaiwa ruzivo kwevarimi.”

Anoti vanogadzira zvekare midziyo yekuuraya huku izvo zvinoderedza mitoro yekuita dzekucheka nebanga.

“Michina iyi tinoitengesera varimi vadiki zvichiita kuti vauraye huku dzavo nenzira yakanaka uye mukati menguva diki. Kambani yedu takaivamba mugore ra2016 mushure mekuona kuti pakanga paine mikaha mikuru kuvarimi vadiki maringe nekuwana zvekushandisa mubasa ravo rekupfuya huku.

“Bhizimusi rehuku rakakosha nekuti rinopa mari mukati menguva pfupi kana uchinge uchitevedza zvose zvinodiwa,” anodaro.

Chekera awana mibairo ine chitsama zvichitevera mabasa makukutu aari kubata.

“Mugore ra2019, ndipo pandakawana mubairo wangu wekutanga weBest Innovators Award pasi pechirongwa cheGreen Innovation Challenge (GIHUB) kuburikidza neSNV nebazi revechidiki nevamwe vatsigiri. Ndakahwinha zvekare mudziyo unoita kuti huku dzigare munodziya weChick Brooding Device,” anodaro.

Zvisinei, Chekera anoti hakuna basa rinobudirira pasina matambudziko anosanganikwa nawo.
“Pamwe pacho apo taiedza kuti tishande nemamwe masangano, taigumisira zvinhu zvisiri kufamba sehurongwa hwataitarisira izvo zvaizondibaya mwoyo semunhu ane chinangwa chekuti zvinhu zviendeke.

“Asi ndinofara kuti handina kurasa tarisiro pandaigumirwa uye ndinoshanda nesimba nevamwe varimi ndichibatsirwawo nevatsigiri vangu avo vanondipanga mazano,” anodaro

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×