Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti yakamirira kusvika kwemamwe majekiseni 600 000 emushonga weSinopharm vaccine wekudzivirira chirwere cheCovid-19 ayo akatengwa kunyika yeChina.
Pamusoro pezvo, bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakapa mvumo yekuti mamwe majekiseni emushonga uyu anosvika 5 miriyoni atengwe.
Vachitaura kuvatori venhau muHarare nemusi weChipiri mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Hurumende yakazvipira kurwisa kupararira kweCovid-19.
“Cabinet inofara kuzivisa kuti Hurumende yakamirira kusvika kwemushonga wemajekiseni 600 000 eSinopharm vaccines zvichitevera kupedziswa kwakaita nyaya dzekutengwa kwawo. Pamusoro pezvo, bazi rehomwe yenyika rakapa mvumo yekutenga mamwezve majekiseni 5 miriyoni emushonga uyu,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Izvi zvinotevera kutengwa kwakaitwa majekiseni anosvika 1,5 miriyoni emushonga wekudzivirira Covid-19 neZimbabwe kunze.
China yakapa zvakare Zimbabwe majekiseni 400 000 ekutsigira nyika ino kurwisa denda iri.
Hurumende ine hurongwa hwekuti vanhu 10 miriyoni vabaiwe majekiseni ekudzivirira Covid-19 kuti pave nekudzivirirwa kwevanhu (herd immunity) kubva kudenda iri.
Kusvika nemusi waChina, vanhu 37 422 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe.
Pavarwere ava, 34 961 vakatopona asi vamwe 1 550 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 252 932 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (first dose) ekudzivirira Covid-19 munyika yose apo 32 949 vange vabaiwa echipiri (second dose).
Majekiseni aya ari kubaiwa pachena kune vanoda.
Chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni enhomba ekudzivirira Covid-19 chiri kufamba zvakanaka.
Izvi zvaona Zimbabwe ichienda panhamba yechisere pakuva nevanhu vakawanda vabaiwa majekiseni aya muAfrica uye pechitatu mudunhu reSadc.
Sen Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kutora matanho ekusimbaradza chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni kumatunhu ose enyika.
“Pane matanho ari kutorwa nechinangwa chekuwedzera huwandu hwevanhu vari kubaiwa majekiseni kumatunhu ose, kunyanya kunzvimbo dziri kunetsa chirwere ichi dzinosanganisira Matabeleland South, Mashonaland West, Harare neManicaland,” vanodaro.




