Muchaneta Chimuka
MUDZIMAI wekuGoromonzi — Mai Chipiwa Chibamu (43) — ari kuita zvinorova panyaya yekurima mbatatisi nezvimwe papurazi rake reRuago, zvokuti vatengi vari kumhanyidzana kubhadhara mari yezvirimwa zvichiri mumunda, zvisati zvatombokohwewa.
Mai Chibamu vanorima zvakare zvirimwa zvakaita sechibage, pamwe chete nekuchengeta huku, nguruve, madhadha nembudzi, izvo zviri kuita kuti mhuri yavo igute.
Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira purazi iri, ikadzidza nezvemabhindauko akawanda avari kuita.
“Kurima ibhizimusi rakagara riri mumusoro mangu kubva ndichikura. Hazvidi hope. Ndinotomuka mangwanani chaiwo, kuma6am, ndichipinda mumunda, ndichibatsirana nevashandi vatinavo.
“Murimi chaiye haaiti zvekutumira vanhu kumunda iye asingasvikiko kuti aone kuti basa riri kuitwa nemazvo here. Kurima kwakakosha nokuti mhuri yangu nevashandi tinowana zvokudya, tichitengesa zvimwe kuti tiwane mari,” vanodaro.
Vanoti zvisinei nokuti ivo murimi, havasi munhu anoswera aine tsvina kana madhaka asi kuti vane nguva yekuzvishambidza.
“Zita randakapihwa nevabereki vangu rokuti Chipiwa rinoreva kuti ndiri chipo chikuru panyika pano, saka ndakaona zvakakosha kuti ndishandise maoko angu nenjere mukuita mabasa ekurima. Tine munda wakakura asi pamwe pacho tinorenda kune vamwe varimi. Patinorima mbatatisi sezvizvi, kazhinji hatisi isu tinokohwa; vatengesi vezvirimwa vekuMbare ndivo vanofona, tovaudza kuti chirimwa chedu chinenge chaibva pamazuva api kuti vazokohwe. Saka, vanouya, votenga munda wose wakadaro, vokohwa pamwe nekutakura nemarori avo. Izvi zvinoderedza mitoro yekudhurirwa panhau yekukohwa nekutakura kwatiri,” vanodaro.
Mai Chibamu vanorima nemadiridziro gore rose, vachishandisa mvura inobva kunzvimbo yakakwirira, ichizoyerera yakananga kuminda yavo, izvo zvinoita kuti vasadhurirwe zvakare nekushandisa magetsi.
“Pano hatinetseki panhau yemadiridziro nokuti mvura inongoyerera ichibva muzvitubu ichienda kuminda iri kwakaderera, yatinoti muchirungu gravity irrigation. Sezvamuri kuona, mvura inongoyerera ichienda kuminda, saka takakomborerwa. Kune nzvimbo shoma dzinenge dzisina kusvika mvura ndiko kwatinozonoita zvekudiridza (sprinkler irrigation). Kune mamwe madzimai ari kunze, ndinoti munda mudiki waunawo iwoyo kana ukaupa kudya kwakakwana, unokohwa pakuru,” vanodaro.
Mai Chibamu vanoenderera mberi vachiti: “Ndinorima zvakare makabheji anogona kukohwewa kana pane ipi zvayo nguva, tichibura mari zhinji. Tinowana manyowa edu kumatanga emombe, mbudzi nehuku, saka kushandiswa kwemishonga nefetireza hatikukurudziri nokuti tinovavarira kuchengetedza utano hwevanhu uye hazvitidhuriri nokuti ndizvo zvinhu zvatinazvo papurazi pano.”
Mudzimai uyu anoti mugore ra2024 akamboedza kurima gorosi asi chirimwa ichi hachina kubudirira, sezvaaitarisira, izvo zvakaita kuti asarudze kurima miriwo nemichero, zvinova zviri kumufambira zvikuru.
“Gorosi ratakarima gore iroro rakadyiwa neshiri, saka pamahekita 75 emunda watinawo pano, takabva tatanga kurima mbatatisi, mhiripiri, makabheji nechibage chinyoro, tichishandisa nzira yemadiridziro iri nyore nokuti haina basa nemagetsi.
“Tine nguruve dzakawanda dziri kuramba dzichibereka, saka tiri kutovandudza danga nokuti tinoziva kuti vanhu vakawanda munyika vanoda kugocha nyama yenguruve uye kana ichinge yavandudzwa tinowana polony necanned pork. Tinochengetawo mombe, tichiwana nyama nemukaka,” vanodaro.
Mai Chibamu vane chirugu chakakura, chavanoshandisa pakuchengeta huku dzinodarika 15 000.
“Manyowa atinowana tinoashandisa mubiogas digester, inova inotiwanisa magetsi ekubikisa, saka unotoona kuti mukurima hapana chinoraswa. Ini handitsvaki misika asi vatengi ndivo vanotofona kuti touya here kuzokohwa, saka mari inotonditsvaka,” vanodaro.
Pamusoro pezvo, murume wavo, VaGeshem Chibamu, anovatsigira uye anoitawo mabasa ezvicherwa papurazi rimwe chetero, kureva kuti riri kuvawanisa pfuma yakawanda.
Munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, madiridziro nekusimudzirwa kwevagari vekumaruwa — Professor Obert Jiri — nguva pfupi yadarika vakamema munda wemudzimai uyu pamwe nekuona zvipfuyo zvake.
Vanokurudzira vamwe varimi kuti vatevedze matsimba ake kuitira kuti nyika iwane maguta.
“Kuti tizadzikise zvinangwa zveVision 2030 pamwe nemaSustainable Development Goals, ose ane donzvo rekuona kuti vanhu munyika vawana maguta nechikafu chinovaka muviri, tinofanira kutevedza zviri kuitwa nemudzimai uyu. Mai Chibamu vari kurwa semvumba, vachirima munda wavo kwegore rose, izvo zvinoita kuti zvive nyore kwavari mukutsvaka misika. Vari kuwanisa chikafu kuchikamu chakakura chevanhu munyika, saka kana vanhu vakawanda vakaita zvimwe chetezvo, hakuna anofa nenzara kana kuondoroka nekwashi nokuda kwekushaya kudya,” vanodaro.




