Abel Ndooka
PASARA mitambo 11 kuti mwaka wePremier Soccer League (PSL) wegore ra2025 upere uye mibvunzo iri pamiromo yevatsigiri vazhinji ndeyokuti chikwata chipi chichatora mukombe.
Murwendo rwekurwira mukombe uyu, shasha yePSL yemwaka wadarika, Simba Bhora, pari zvino ndiyo iri kutungamira palogo iine zvibodzwa 44 kubva pamitambo 23.
Simba Bhora iri kuteverwa neScottland FC, iyo yakagara pachipiri uye iri kuifemera mugotsi iine zvibodzwa 43 kubva pamitambo 23 zvakare.

MWOS FC yakagara pechitatu iine zvibodzwa 42, kuchiti FC Platinum iri panzvimbo yechina palogo iine zvibodzwa 40 kubva pamitambo 22.
Paongororo yemitambo yasara, zviri kuratidza kuti mukombe uyu unogona kuzohwinhiwa pasara mitambo miviri kana kuti pazuva rekupedzisira nokuti zvikwata zvina izvi zvose zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Pazvikwata izvi, FC Platinum ndiyo yoga isati yambokundwa mwaka uno.
Chikwata ichi, icho chinorairidzwa naNorman Mapeza, chiri kushanda nesimba uye chikaramba chakadai chine mukana mukuru wekupedza mwaka wose chisina kumbokundwa, chotora zita rokuti “maInvincibles”.
Svondo rino, zvikwata zvose izvi zvichapinda muhondo apo zvichange zvichirwira kuenda pamusoro pelogo.

Mutambo mukuru uriko uchange uri pakati peFC Platinum neScottland nemusi weMugovera. Uchatambirwa pamusha peFC Platinum kuMandava Stadium, kuZvishavane.
Mutambo uyu unotarisirwa kunge uchinakidza zvekukunda ngoma kurira.
Pamusoro pezvo, aimbove kaputeni wechikwata chenyika chemaWarriors — Knowledge Musona — anogona kutamba mutambo wake wekutanga kuchikwata chake chitsva cheScottland FC.
Scottland FC yakaparura Musona nemusi weMuvhuro svondo rino apo yaitamba neYadah kuRufaro Stadium.
Mwaka wadarika, Musona aitambira nhabvu kuSaudi Arabia.
Akadzoka kuzotambira nhabvu yake muZimbabwe mushure mekupedza makore akawanda achitambira munyika dzakaita seSouth Africa, Belgium, Germany neSaudi Arabia.
Simba Bhora ichange iri pamusha payo kuWadzanayi, kuShamva, musi weMugovera apo ichasangana neChicken Inn, kuchiti MWOS FC ichaenda kuRufaro Stadium kunotamba neDynamos FC.
Mwaka uno, DeMbare zvinhu hazvisi kuifambira zvakanaka uye chikwata ichi chasarirwa nemitambo 11 kuti chirwire kuramba chiri muPSL.




