Tendai Gukutikwa
MUDZIMAI wekwaMutasa anonzi anonyepera kuita seakagarwa nemweya wakaipa apo anoenda kunorara ari musvo pavheranda remukoma wemurume wake munguva dzeusiku.
Nyaya iyi yakabuda apo Andrew Kasambira akadhonzera munin’ina wake, Takudzwa Kasambira, nemudzimai wake Margaret Muzumba kudare raMambo Mutasa munguva pfupi yadarika achipomera Muzumba mhosva yekumhanyira kumba kwake usiku asina kusimira achinyepera kuita semunhu akagarwa nemweya wetsvina.
Akaudza dare kuti kuita kwake kwakakonzera kudzikisirwa kwechimiro chemhuri uye kusanzwana pamwe nekumutsa nyaya dzemakuhwa.
“Zvese zvakatanga panguva yakarwara mwana wemunin’ina wangu apo akanga ari mudanho redzidzo reGrade 1 makore apfuura saka kubvira ipapo munin’ina wangu nemudzimai wake vari kundinenera mhosva yekuti ndini ndaikonzera kurwara uku. Rimwe zuva ndakashamisika kuona mudzimai wake arere pavheranda remba yangu achipupura kuti ainge akagarwa nemweya watete vake. Akatanga kutaura mashoko ekuti ndainge ndakauraya munhu ndichibva ndaisa mweya wacho pamwana wemukoma wangu.
Akati ndakaenda kuNyanga neimwe n’anga senzira yekutsipika mweya wemufi, zvisinei nekuti pazuva iroro ndainge ndaenda kunotenga mishonga yemukoma wangu airwara,” anodaro Andrew.
Andrew anoti chinhu chinonyanya kumushamisa ndechekuti mudzimai wemunin’ina wake uyu pese panoita seakasvikirwa anotouya pamba pake asina kusimira.
“Munguva zhinji, taingomuwana ari pavheranda repamba pangu usiku asina kusimira asingapfakanyiki. Pataiedza kumumutsa aibva atanga kuita kunge akagarwa nemweya. Pamwe pacho aitaura achiita kunge akagarwa nemweya waamai vake asi tinoona sekuti zvinhu zvese izvi aizviita maune nekuti mubvunzo wedu unoti sei zvaingoramba zvichiitikira panzvimbo imwechete panova pavheranda pangu?” anodaro.
Andrew anoti maitiro akashata aya akakonzera kusanzwanana mumhuri apowo munin’ina wake akanga ari kumupomerawo mhosva yekuti ndiye aikonzera kuti asaita mbereko.
Paakanzi apindure mhosva dzaainge ari kupomerwa, Muzumba akabvuma kuti aionekwa ari musvo asi akati zvinhu zvakatopfuura.
“Ndakanga ndiri kusvikirwa (kupoterwa nemudzimu) kwemwedzi uzere asi zvakatomira. Mazuva iwayo mwana wangu akanga ari kurwara zvikuru tikaudzwa kuti mukoma wemurume wangu ndiye aive honzeri. Asi kusvika nhasi uno mwana wangu haasati apora,” anodaro.
Takudzwa akatsinhirawo zvaainge ataura achiti pane zvakawanda zviri kuitika maringe nekurwara kwemwana wake.
Akapomera mukoma wake mhosva yehuroyi, achiti pane rimwe zuva apo Andrew akauraya mbudzana yainge iine mazuva mashanu ekubarwa achibva abikira vana.
“Ndini ndiri kupomera mukoma wangu mhosva yekukonzera kuti ndikundikane kuita vana muupenyu hwangu. Akauraya kambudzana akakabika achibva apa vana asi wangu mwana ndiye akabva atanga kurwara. Mugore ra1999, akatongerwa mhosva yehumhondi akazoregedzwa, asi sisi vedu vakatiudza kuti akashandisa mishonga kuti abudiswe. Kutaura chokwadi akauraya murume iyeye asi nhasi uno mweya yetsvina yava kutitevera,” anodaro Takudzwa.
Zvisinei, Andrew akarambisisa mhosva yaari kupomerwa nevemhuri yekwake achiti dare rakamuchenura pamhosva yehumhondi makore gumi adarika saka haaoni chikonzero neyi vari kuramba vachimushoropodza.
“Ndakasungwa nemhosva yekuedza kuponda munhu kare kare asi mumhan’ari akaudza dare kuti ini ndainge ndisina kana kumurova pakati pevamwe vanhu vakabatwa ndikachenurwa. Nyaya chaiyo ndeyekuti vanhu vakauraya munhu vakasungwa vakapika jeri.
Saka iko zvino mumhuri kana mukangoitika chimwe chinhu chakaipa vanotanga kuti imhosva yangu uye kuti ndiri kutevererwa nemweya wemunhu akafa zvinova zvese zvekunyepa,” anodaro.
Akapomerawo Takudzwa nemudzimai wake mhosva yekunyepera kunge vari kushungurudzwa nemweya asi iri nyaya yekuda kumudzikisira.
“Kana achibudirwa nemweya iwoyo zvinodii kumubata ari ari kumba kwake sei achingouya kumba kwangu uye sei achingouya pavheranda remba yangu usiku hwega-hwega? Uku hakusi kubudirwa asi kuti zvinhu zviri kutogarirwa pasi zvorongwa, zvoitwa nemaune,” anodaro Andrew.
Padare iri pakaita gakava guru iro rakasvika pakupindirwa naMambo Mutasa vachiti pane zvisiri kunyatsobuda panyaya yemhuri iyi.
“Nyaya iyi ine zvisina kujeka zvakawanda zvikuru. Uri kuti uri kubudirwa nemudzimu wavamwene vako zvinova zvinhu zvisingaitki kuti amai vagare pamuroora nenzira iyoyo,” vanodaro Mambo Mutasa.
Vanoti nyaya yekuonekwa munhu ari musvo imhosva huru yavasingagamuchiri zvisinei nekuti munhu anenge akabudirwa nemudzimu here kana kuti kwete.
“Kana wakaonekwa zvedi wakarara pavheranda revaridzi uri musvo zvinhu zvakaomarara nokudaro unoda kuchenurwa. Asi kana wakazviita nenzira yekunyepera kunge uri kuita madhirama unenge uri kutamba nemoto unopisa,” vanodaro.
Mambo Mutasa vakakurudzira mhuri iyi kuti ibatane uye ifambe pamwecheye mukugadzirisa matambudziko airi kusangana nawo.
“Munofanira kutsvaka varapi vechokwadi semhuri nekuti zvipomerwa zvamuri kuitirana kana zvisina umbowo zvinoparadza mhuri. Edzai kutsvaka nzira dzinoita kuti mugare murunyararo nekuti kana mukagara musina runyararo mhuri inoita rushambwa rwusingaperi. Kana muchinobvunzira kun’anga kana maporofita, itai izvi makabatana semhuri pane kuita zvikwata -zvikwata,” vanodaro.
Dare rakayambirawo vemhuri iyi kuti vanobvunzira nhunha dzavo kun’anga kana maporofita uye vazodzoka nemhinduro.




