‘Mufundisi dzosa mari yangu’

Tafadzwa Mutsotso

MUFUNDISI wechechi yeTerbenacle Ministries akamiswa pamberi pedare redzimhosva mushure mekunge atadza kudzosera chikwereti che$160 iyo akakwereteswa nemwana wemukereke yake. Ruvimbo Bindi akamhan’arira mufundisi, uyo akangozivikanwa saPastor David kuHarare Civil Court achiti ari kuramba kumudzosera mari yaakamukweretesa.

Bindi akati akapa mufundisi wake mari iyi mushure mekunge amukumbira achiti aida kunorapisa baba vake vairwara.  “Ndakapa pastor $160 nekuti vakauya kumba kwangu vachiti vainge vawirwa nehurwere hwababa vavo. Vakanditsanangurira vachiti vaida kunoona mubereki kuti vamurapise asi vakanga vasina mari saka vakabva vandikumbira mari vachiti vaizodzorera vadzoka,” akadaro Bindi.

Akati nguva yareba Pastor David achimuvimbisa kuti achamudzosera mari iyi pasina chinobuda.

“Kutaura kuno havachatodavira foni yangu nekuti vanoziva kuti ndinenge ndichida kuvabvunza mari yangu. Zvinhu zviri kunetsa munhu wose, ndakavabatsira semufundisi wangu, zvino ngavachidzosawoka mari yangu!” akadaro. Pastor David haana kuenda kudare kuti anopa divi rake panyaya iyi.

Mutongi Yeukai Dzuda akati Pastor David adzorere Bindi mari yake musi wa30 Gunyana usati wasvika.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *