Murume wangu anorova doro remusombodhiya

Tafadzwa Mutsotso

MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti ashaiswa rugare nemurume wake uyo waanoti anonwa doro rekangopisa rinodaidzwa nekuti musombodhiya.Irene Muzanenhamo akamhan’arira Richard Ruzongazi kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushungurudza.

Muzanenhamo akati kumba kwavo hakuchadyiwe rinopisa nekuda kwehunhu hwemurume wake.

“Murume wangu anonwa doro remusombodhiya nekuputa fodya. Kana adhakwa pamusha hapagarike. Anotanga kutukirira zvinyadzi pamberi pevana zvekuti ndinopedzisira ndanopotera kumaraini nekuti ndikasadaro mhere-mhere yacho haipere,” akadaro Muzanenhamo.

Akaenderera mberi achiti: “Anouya akadhakwa, asingagone kana kufamba, otifugura jira nevana. Chero muna Chikumi chando chichitonhora, anotitorera machira.”

Muzanenhamo akakumbira dare kuti rimubatsire achiti anotya kuti anopedzisira aurayiwa naRuzongazi.

“Ndibatsireiwo ndiri panguva yakaoma. Vachandiuraya baba ivava ndikaramba ndichigarisana navo pasina danho remutemo ratorwa,” akadaro Muzanenhamo.

Ruzongadzi akaudza dare kuti mudzimai wake akangomurova kaviri chete mumakore masere avagara vose.

“Mukadzi wangu ndakangomurova kaviri chete mumakore masere atagarisana. Nyaya yandakamurovera yaiva yekuti akange obva kubasa kwaaitengesa pakati pehusiku zvinova zvinhu zvandaivenga chaizvo. Doro ndinonwa zvangu asi kwete musombodhiya waari kutaura,” akadaro.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Muzanemhamo gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *