Zrp yotsigira ZimAsset l Yakavakisa nzvimbo yekutandarira

Dzimba dzekutandarira nekurara dzakavakiswa neZRP Association kukuDulibadzimu, kuBeitbridge. - Mifananidzo: Malvern Mugadzikwa
Dzimba dzekutandarira nekurara dzakavakiswa neZRP Association kukuDulibadzimu, kuBeitbridge. – Mifananidzo: Malvern Mugadzikwa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kushanda nesimba mukutsigira chirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset), kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyana.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naCommissioner Grace Ndebele, avo vanove Commissioner of Police responsible for training and human resources development kuDulibadzimu, kuBeitbridge apo vaivhura zviri pamutemo dzimba dzekutandarira nekurara (lodges) dzakavakiswa nechikamu chemapurisa cheZRP Association.

“Dzimba dzekutandarira dziri kuparurwa nhasi idzi chiratidzo chekushanda nesimba kweZRP pamwe chete nechikwata chePolice Association zvisinei nemamiriro akaita zvinhu munyika kwemakore akati kuti.

“ZRP iri kuramba ichishingirira kuita mabhindauko akaita seiri anounza mari uye achikudza zita rayo. Dzimba idzi dzakagadzirwa zvakanaka uye zvechimanje-manje zvekuti zvinofadza vachange vachiuya kuzozorora pamwe chete nemapurisa eZRP,” vanodaro.

Comm Ndebele vanoti dzimba idzi dzinofanira kuchengetedzwa sezvo dzichitarisirwa kuunza mari ichabatsira mukusimudzira zvirongwa zvakasiyana.

“Dzimba idzi dzinoratidza basa guru riri kuitwa neZRP mukuuya nepfungwa dzekuita mabhizimisi pamwe nekuunza mabasa. Kana nzvimbo ino ikashambadzwa zvakanaka, pachauya vanhu vakawanda, kusanganisira nemapurisa. “Izvi zvinofambiranawo nekuvandudza zvekushanyirwa munyika nekuwanisa vashanyi pekugara pakanaka.”

Commissioner Ndebele vakatendawo sachigaro weZRP Association, Assistant Commissioner Shadreck Mubaiwa, nekutungamirira chirongwa chekuvakwa kwedzimba idzi vachiti vanotarisira kuvakwa kwedzimwe dzakadai. Vanoti chirongwa cheZim-Asset chinobudirira kana zvizvarwa zveZimbabwe zvikabatana mukuita mabindauko anounza mari.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×