Mugari wekuGokwe opunduka nekurima coffee

Muchaneta Chimuka

MUMWE murimi, VaIngatious Mudzimuirema, vemuWard 31,  Nembudziya,  kuGokwe, munyika maSadunhu Nembudziya naShe Chireya, ari kuita minana mukurima coffee, izvo zviri kuita kuti akwanise kuriritira mhuri yake.

”Ndave nemakore mashanu ndichirima acacia coffee, chinova chirimwa chakakosha muraramo yedu nokuti chinobatsira mukudzivirira zvirwere zvakasiyana-siyana. Kofi inoshandiswa mukugadzira putugadzike nemachocolate uye inofarirwa zvikuru mumisika. Gore rino ndakabura masaga masere mushure mokurima mahekita maviri,” vanodaro.

VaMudzimuirema vanoti vanogaya chirimwa ichi vachitengesa ave masamba kuvanhu vakazvimiririra nevari mumaindasitiri madiki, avo vanoaisa mumapaketi  nemumagaba vachitengesa.

“Imwe coffee ndinofamba ndichitengesera vanhu vakazvimiririra nevane zvitoro vanenge vachida kuhodha. Imwe ndinoendesa kumaindasitiri ari kuChegutu. Mbeu yacho ndakaiunzirwa neimwe shamwari yangu inorimira kuMarondera, saka ndakatanga kuirima munguva yeCovid-19 muna 2020 . . . Ndinovimba vamwe varimi vachatevedza matsimba angu,” vanodaro.

Vanoti kuburikidza nekurima coffee vana vavo vari kuwana mari yechikoro uye vanowana masamba ekubikisa putugadzike.

Chirimwa checoffee chakakosha zvikuru mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika. Kuma1990s, Zimbabwe yakatanga kucherechedza varimi vecoffee. Varimi vanodarika 20 000 vari kutsigirwa mukurima chirimwa ichi, vachibura matani anodarika 15 000 egoho pagore.

Kana nyika ikaita varimi vakawanda vanodokwairirira kurima chirimwa ichi,  nyika ine mikana mikuru yekuwana mari yokunze.

MuZimbabwe, coffee inonyanyorimwa mudunhu reManicaland, munzvimbo dzakadai seChipinge, Chimanimani neMutare, kusanganisira kumakomo eVumba.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *