Muchaneta Chimuka
MUIMBI wenziyo dzechitendero, Sherlock Mwansa Ailack (47), anove chizvarwa chekuGuruve, akabura dambarefu idzva “Zvapera” raanoshandisa kurangaridza voruzhinji nezvemarwadzo akasangana naJesu pamuchinjikwa, paakafira zvivi zvevanhu.
Dambarefu iri rine nziyo nhanhatu dzinoti “Pindirai Mwari”; “Mutserendende NaJesu”; “Ndatsunga Moyo Ini”; “Zimbabwe”; “Parumbidzo dzaJeso”, iro akaimba nerurimi rwaamai rweShona uye mutauro weBemba; nairwo rwumbo rwukuru “Zvapera”.
“Dambarefu iri ‘Zvapera’ ndakaribura gore rino uye ratove mumisika pamwe nepamasaisai eYouTube, Facebook. Tine zvakare mavhidhiyo erwumbo urwu, zvinova zvinokwezva vanhu kuti vawane kunzwa kwemeso nekwenzeve. Mambo Jesu vakaroverwa pamuchinjikwa manzvimbo yeCalvary, vachifira zvivi zvemumwe nemumwe wedu, saka ipapo pamuchinjikwa ndipo pakaperera zvivi izvi. Nokudaro, tinokurudzira vanhu kuti vararame upenyu hwakanaka pane kuti varambe vachidzimbira mavanga aJesu nekuramba vachidzokera kumatadzo,” anodaro Ailack.
Anoti rwumbo urwu rwunonyevenutsa pfungwa dzevoruzhinji sezvo akarwubika zvine unyanzvi zvokuti rwunokwana panzvimbo zhinji, mungave mumachechi, mumabhawa kana mumabhazi nokuti donzvo nderekudzorera pfungwa nezviito zvevanhu kuna Mwari.
“Havasi vanhu vose vanowana mharidzo mumachechi; vamwe vanodziwana kuburikidza nenziyo, vachitotendeukira kuna Mwari. Saka, kuburikidza nenziyo, munhu wose tinomubata ari panzvimbo yaanenge ari,” anodaro.
Ailack, anove mutungamiri wechirongwa chepraise and worship kuKingdom Light Global Church, anoti vavariro yake ndeyekudzoredzera unhu hwevanhu kuti vafambe mugwara rakanaka, vasadzokere kuzvivi, zvinova zvakadeurirwa ropa pamuchinjikwa.
“Ndakatanga kunyora nziyo mugore ra1994, ndikabura dambarefu rangu rokutanga ‘Ndatsunga Moyo’ muna 2022, iro rakatsikiswa neveMetro Studios, asi harina kuzopinda mumusika . . . Muna 2006, ndakabura dambarefu rinonzi ‘Chiuya Kunashe’, muna 2014, ndikabura rinonzi ‘Pindirai Mwari”, iro ndakaimba ndichitsigirwa, rinove rakatsikiswa naproducer anonzi Munyaradzi Vhiya paVially,” anodaro.
Anoti, sevaimbi, vane chido chikuru chekufambisa vhangeri kuvanhu asi dambudziko rekushaikwa kwezvikwanisiro ndiro rinovadzosera kumashure, izvo zvinozoita kuti vaite makore mazhinji vakati zi-i.
“Dambudziko rokushaya rutsigiro rwemari nezvekushandisa uye kubiwa kwemimhanzi isati yatopinda mumisika ndizvo zviri kusiya isu vaimbi takapfunya chisero.
“Pamasaisai, mari dzinoburwa ipapo ishoma nokuti hatisati tave neruzivo rwuzere maringe nekutengesa minhanzi pamasaisai. Dzimwe nziyo dzedu dzinotogona kubiwa pamasasai ipapo, munhu otodzivandudza, achiita mari, saka tiri panguva yakaoma, asi nokuti tine chido nebasa redu, tinoramba tichishingirira,” vanodaro.



