Muimbi okurudzira vechidiki kukoshesa rudo, kusiyana nezvinodhaka

Abel Ndooka

MUIMBI ari kusimukira weurban grooves, Luxmore Chawira, uyo anonyanyozivikanwa saAlex Bl3nder, ari kukurudzira vechidiki kuti vakoshese rudo, achiti iyi ndiyo nzira yoga inokwanisa kuvavhurira mikana yakasiyana-siyana muupenyu, uye kuti vasiyane nezvinodhaka.

Achitaura nguva pfupi yadarika, Alex Bl3nder akati vechidiki vazhinji vari kurasika nokuti havasi kukoshesa rudo, zvinove zvimwe zviri kuvavharira mikana muupenyu hwavo.

Anoti rimwe dambudziko riri kudzorera vechidiki kumashure kutora zvinodhaka, naizvozvo ari kuvayambira kuti vasiyane nazvo, vazive Mwari, vokoshesa rudo.

“Muupenyu, zvakakosha kukoshesa chinhu chinonzi rudo. Hapana chatinoita kana pasina rudo. Ndosaka ini ndiri kuimba nziyo dzerudo, ndichikurudzira vechidiki kuti vakoshese rudo,” anodaro Alex Bl3nder.

“Tiri kuona vechidiki vemazuva ano vari kurasika nokuda kwekutora zvinodhaka zvisingatenderwi, izvo zviri kuita kuti varasike muupenyu hwavo.

“Ndinoti kune vechidiki, ibvai kune zvinodhaka. Raramai upenyu hwakachena uye muchitungamidza rudo.”

Alex Bl3nder kubva zvaatange kuita zvemimhanzi akwanisa kutsikisa madambarefu matatu. Nziyo dzake dzakaita mukurumbira dzinosanganisira “Parudo Rwedu Pachine Chimuko” uye “Dai Ndine Mapapiro”.

 

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *