Muimbi orangarira vanhu vanofa mutsaona

Abel Ndooka

MUIMBI ane mukurumbira – Tawanda Chisasa – uyo vazhinji vanonyanya kuziva saHonorable Tawaz, akabura kambo katsva kechitendero kanonzi ‘Njodzi Mumigwagwa’ ako anorangarira vanhu vari kurasikirwa nehupenyu nekuda kwetsaona dzemumigwagwa.

Izvi zvinotevera tsaona yakauraya vanhu 17 vaive mukombi iyo yakadonherwa negonyeti mumugwagwa Seke mazuva mashoma adarika.

Muhurukuro, Honorable Tawaz anoti zvakakosha kuti vatyairi vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vafambe vachikoshesa hupenyu hwevanhu.

“Njodzi yakaitika kuChitungwiza yakarwadza zvikuru uye takabatikana nayo. Saka ndakatora mukana wekutsikisa kambo kangu katsva aka kanonzi ‘Njodzi Mumigwagwa’ ako ndinorangarira hama neshamwari dzedu dzakatisiya nekuda kwenjodzi.

“Panguva imwe chete, ndinenge ndichipawo chenjedzo kune vatyairi kuti ngavakoshese hupenyu hwevanhu uye vasatyaire vakadhakwa.

“Vatyairi koshesai hupenyu hwevanhu ndapota, musatore zvinodhaka kana mave kutyaira motokari dzenyu, hupenyu hunokosha,” anodaro.

Honorable Tawaz anonyanya kuzivikanwa nenziyo dzinosanganisira ‘SADC’ pamwe na’Guka’ ako kanotaura pamusoro pehuyipi hwezvinodhaka uye nekamwe kanonzi ‘Kutsoma Vamwe’.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *