Mukadzi anobviswa bhurugwa pajekerere

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE mukadzi akabongomora mhere mudare achiti murume wake ane tsika yekumubvisa bhurukwa remukati pajekerere pazere vanhu obva aisa minwe yake kusikarudzi yake achiti anoda kuona kuti haana kushereketa nevamwe varume here.

Marcia Gadzino akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arira Eric Garufu.

“Changamire, ndauyawo kuno kuti mundibatsire baba ava vasandishungurudza sezvo ndisisina mufaro. Ndinorohwa uye kutukwa zvinyadzi pazere vanhu. Handisisina chimiro pane vanhu,” anodaro achisvimha misodzi.

Anoti Garufu ane tsika yekumubvisa bhurugwa remukati apo anenge achifamba mumugwagwa muzere vanhu. “Vane tsika yekundibvisa bhurugwa pazere vanhu vachiti vanoda kuona kuti handina kushinha nevarume here. Vanoisa zvigunwe zvavo kusikarudzi yangu izvo zvinondishungurudza zvikuru. Uyezve vanotora foni yangu votanga kutaura nevanhurume vose vane nhamba dzavanenge vaona vachiti zvikomba zvangu, vobva vatondirova,” anodaro Gadzino achihwihwidza kuchema.

Garufu haana kupikisana nechikumbiro chaGadzino.

Mutongi Larzin Ncube akapa Gadzino gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *