Mabhuku matsva eCollege Press

MABHUKU matsva eVentures Mathematics neScience ECD B Learners’ Book akatsikiswa neveCollege Press Publishers nedonzvo rekutsigira zviri mugwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Pamabhuku aya, pane maviri evana uye remudzidzisi. Bhuku revana rekuverenga – Ventures Mathematics and Science ECD B Learners’ Book – rakatarwa mifananidzo yekuti vana vaverenge kusimbaradza zvidzidzo zvavo uye pane tsananguro yakapiwa kubatsira mudzidzisi kuti vana varodze pfungwa dzavo.

Bhuku revana rezviitwa – Ventures Mathematics ECD B Work Book – rinovapa mukana wokuti vave nedzokororo yezvidzidzo vachishanda vari voga, vachinyora kana kutara mifananidzo.

Rine ongororo zvakare inoitwa nemudzidzisi pachidzidzo choga-choga senzira yekuratidza unyanzvi hwemwana.

Bhuku remudzidzisi – Ventures Mathematics and Science Teachers Guide – rine hurongwa hwakajeka hwakapiwa takatarisana nechidzidzo choga-choga.

Izvi zvakapiwa takatarisana nevhiki yoga-yoga zvinova zvinorerutsira vadzidzisi.

Donzvo rebhuku reMathematics and Science ECD B kuumba hwaro hwakasimba muvana takatarisa zvidzidzo zvirimo.

Pamusoro pezvo, donzvo renyika rekusimudzira zvidzidzo zveSTEM rakasimbaradzwa zvakanyanya muzvidzidzo izvi.

Mabhuku aya akanyorwa neunyanzvi zvinova zvinoita kuti vadzidzi vabatsirwe kurodza pfungwa dzavo, kugadzira zvinobatsira muupenyu, kushanda pamwe chete uye kukoshesa nzvimbo kana nharaunda dzavo.

Nyaya dzeutano uye tsika nemagariro zvakasimbaradzwa mumabhuku aya. Mabhuku eVentures Maths and Science haafanire kushaikwa muvana vedanho reECD B!

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *