Mukadzi ‘okanikwa’ nezvipanera

Arnold Kaseke
ZVIPANERA zvinozivikanwa nekuitiswa mabasa akaita sekugadzirisa motokari kana magejo. Asi mumwe mukadzi akaendesa murume wake kudare achiti anogara achimutuka nekumuvimbisa kuti achamuuraya nezvipanera.
Lovemore Chaziya akamhan’arirwa kuHarare Civil Court nemukadzi wake, Hazel Isa, achida gwaro rerunyararo.

Isa akaudza dare kuti: “Ndave kutogara ndichitya kuti murume achandiuraya nerimwe remazuva. Anoti anoda kundigadzirisa nezvipanera zvaanoshandisa kubasa kwake. Anogara achindiudza kuti anoda kundikanika nemascrew driver nezvipanera zvake.

“Ini ndinoita basa rekugadzira misoro yevanhu kuMabvuku uye vamwe vandinogaroruka havachatodi kurukwa neni vachitya kuti zvimwe rimwe zuva vanozobatanidzirwa kana murume auya kuzondikanika.

“Hatichagara tese asi anouya kumba kwangu usiku achiita ruzha izvo zvisingafadzi vavakidzani vangu.”

Chaziya akapokana nemashoko aive ataurwa nemudzimai wake.

“Ndinosvika kumba kwake ndichida kuona vana vangu chete. Asi iye anondirambidza ondidzinga pamba pake, ndiko kusaka ndichizoenda kubasa kwake.

“Handisati ndambomutuka kana kumushungurudza. Anonyepa uyezve anotopisa musoro kudarika mishonga yaanoshandisa kugadzira misoro yevanhu kubasa kwake. Ini chandinoda inguva nevana vangu chete,” akadaro.

Mutongi Barbara Masinire akati Chaziya asashungurudze Isa asi mukadzi uyu anofanira kumubvumira kusvika kumba achiona vana vake.

 

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×