Vorwira tsvina yemuchimbuzi

nyundoArnold Kaseke
HANZVADZI nehanzvadzi vakaendesana kumatare edzimhosva vachinetsana nenyaya yekusashandisa chimbuzi zvakanaka.Abigal Nyamunda nehanzvadzi yake, Crispen Nyamunda, vakadhonzerana kuHarare Civil Court vachiti vari kugara vachishungurudzana nenyaya yekusashandisa chimbuzi zvakanaka.

Abigal akaudza dare kuti: “Vedare, hanzvadzi yangu inogarondishungurudza zvikuru. Vabereki vedu vakashaya vakatisiira imba yatiri kugara, ini nehanzvadzi yangu nemhuri dzedu.

“Baba vedu vaiva nebarika apo amai vangu ndivo vaive vahosi, amai vaCrispen vari nyachide. Chandiunza kuno ndechekuti ndiri kuda runyararo pakati pangu nehanzvadzi yangu. Ava kutoita kunge imba ndeyake oga. “Anogara achindituka achinditi ndiri muroyi. Haatondibvumire kuti ndiende kumberi kwemba chaiko, anoti ndekwake. Akatonditorera munda wangu achiti imba yanga iri yababa naamai vake.”

Crispen akabvunzwa namutongi Gamuchirai Siwardi kuti ichokwadi here chaitaurwa nehanzvadzi yake iye ndokuti ainyeperwa. “Zviri kutaurwa nehanzvadzi yangu izvi inhema dzoga-dzoga. Nyaya yatinonetserana inyaya yekuti iye nemwana wake havashandisi chimbuzi zvakanaka. Haadi kuti nditsiure mwana wake kana asiya akanganisa muchimbuzi.

“Unotoona madziro akanyorwa netsvina wotoshaya kuti zviri kumbofamba sei. Anouya nevanhu vekukereke kwake vakawanda vosiya vakanganisa chimbuzi. “Ndinomboedza kutaura naye asi anobva aita hasha. Shamwari dzake nezvikomba zvake zvinogara zvakazara pamba futi apa vose vanosiya vakanganisa chimbuzi. Mukadzi uyu anenge anotofarira kutamba nevanhu vasingagoni kushandisa chimbuzi chete,” akadaro Crispen. Mutongi Siwardi akaudza vaviri ava kuti vagarisane murunyararo uye vashandise chimbuzi zvakanaka.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×