Mukadzi opa varume muti wemubobobo

Danisa Masuku

MUDZIMAI anogara kuFudu, mudunhu reNkayi, kuMatebeleland North, akapotsa arohwa neveruzhinji mushure mekudura kuti anotengesera varume mushonga wemubobobo.

Mubobobo mushonga unoita kuti munhurume asherekete nemunhukadzi munhu anenge achishinhwa naye asina ruzivo rwezvinenge zvichiitika.

Mukadzi uyu akadura mabasa ake mushure mekunge vagari veuku vakoka tsikamutanda kuti azochenura nharaunda yavo.

Laiza Ndlovu wemubhuku raMabhogwane anopupura kuti anotengesa mushonga wemubobobo ne$5.

Zvisinei, haana kutaura kuti pamwedzi anowana mari yakawanda zvakadii kubva mukutengesa muti uyu.

Laiza anoti vatengi vemushonga wake vanobva kunzvimbo dzakasiyana dzemuZimbabwe.

Zvichakadai, kupupura kwake kwakapotsa kwamupinza mukanwa meshumba sezvo madzimai aivepo akatanga kudya marasha vachiti anobatsira varume kuti vasherekete navo zvemishonga asi ivo vasingazive.

Laiza anozoponeswa nasabhuku veko, VaCornelius Ndlovu nevamwe vagari vemunharaunda, avo vanobatsira mukupomhodza bopoto iri.

Mukuchenura kwavanoti vaiita, vanatsikamutanda ava vanoti vakaona chimwe chinhu chinoratidzika sesikarudzi yemunhurume pazvinhu zvinonzi zvinoshandiswa nemudzimai uyu.

Laiza akabva abuda pachena ndokutaura kuti anoshandisa chinhu ichi kugadzira mushonga wemubobobo.

“Ndinozorera mushonga pachinhu ichi, ndobva ndapa muti wandinenge ndazorera uyu kumunhu anenge achida mubobobo.

“Mushonga iwoyo unobatsira kuti wandinopa akwanise kushereketa nemukadzi waada,” anodaro Laiza.

Anoenderera mberi: “Ndine vanhu vangu vandinobatsira munyika yose.”

Pakarepo, vakadzi vanosvika 15 vakazvishingisa, ndokubuda pachena vachitaura kuti nguva zhinji vanonzwa vachishereketwa navo nezvavasingaone.

Aivamirira semutauriri wavo, Sihle Moyo, anoti, “Vakadzi vose ava vanosangana nedambudziko rekushinhwa navo nevarume vavasingazive.

“Vanosangana nemashura aya pavanonochera mvura nepavanenge vaenda kuchigayo.”

Sabhuku Ndlovu vanotsinhira nyaya iyi vachiti, “Ndinotsinhira kuti mumwe mudzimai wemumusha mangu, Laiza Ndlovu, anopupura kuti anotengesa mubobobo.”

 

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *