Oroverwa ‘kudanana’ nababa nabhudhi

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI wekuti ari kushungurudzwa kwemakore mana nemurume wake achimuti anodanana nehanzvadzi yake pamwe chete nababa vake akazopotera kudare redzimhosva.

Christina Chitsiku akaendesa Norman Mubaiwa kuHarare Civil Court achiti ari kugara achimurova nekumutuka achimupomera kuita makunakuna.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Chitsiku gwaro rinomudzivirira.

Chitsiku anoti Mubaiwa anomutuka nekumurova achimuti ipfambi isinganyare uye inodanana nehama.

“Tava nenguva tiri tose nemurume uyu, asi azondipedza simba.

Anondirova nekunditukirira achiti ndiri pfambi isingazive pekugumira. Anonditi ari kundirovera kudanana kwandinoita nababa nehanzvadzi yangu.

“Handizive kuti sei achindifungira zvinhu zvakaipa kudaro. Ava nemakore 4 achindishungurudza kudaro,” anodaro Chitsiku.

Anotiwo murume wake anoshungurudzawo vana vavo.

“Baba ava vave kushungurudza nevana vedu. Vanoti ndikawana basa kana kuti ndakaenda kubasa, vanotanga kurova vana.

Hanzvadzi yangu yakandipa mari yekuti nditange tuckshop akandirova achiti ndarara nehanzvadzi yangu kuti ndiwane mari iyoyo.

“Musi wandamupa mapepa ekuti auye kudare, akabva anditi haachandida, ndave kufanirwa kubva pamba,” anodaro Chitsiku.

Mubaiwa haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *