Ndiye honzeri

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rapera ndakakuvimbisai kuti ndichazenge ndichikupai mimwe mibvunzo yandisina kukwanisa kuzoitira ongororo ndichipa mhinduro. Iyi ndiyo mibvunzo yamuchazviitira muri moga muchigadzirira bvunzo dzadai kusvika.

Ndiani waungati ndiye honzeri yematambudziko anowira vatambi vari muna Gona reChimurenga? Tsigira mhinduro yako zvizere.

Pamubvunzo uno chaunofanira kuita kuona kuti waisa mhinduro inogutsa. Mhinduro yako inofanira kudoma mutambi waunoti zviito kana unhu hwake ndizvo zvinonyanya kuita kuti vamwe vatambi vapinde mumatambudziko.

Wadaro, unofanira kudoma zvaanoita zvacho kana unhu hwake zvinoita kuti vamwewo vatambi vawirwe nematambudziko.

Tsanangura zvinhu zvisere zvinoita kuti Mabhunu ave mutambi mukuru muna Gona reChimurenga.

Pamubvunzo uyu unongotsanangura zvinhu zvisere (8) zvinoitisa Mabhunu mutambi mukuru mubhuku. Zvakawanda chaizvo zvaanoita asi chikuru kudoma pfungwa nekupa tsigiro yakazara. Hazvina kufanira kuti ungotsanangure sekunge uri kunyora rakowo bhuku. Doma pfungwa wadaro wopa tsigiro dzacho.

Ndezvipi zvinhu zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti rungano rwuenderere mberi muna Gona reChimurenga.

(a)                 Francis

(b)                 Tichaona

(c)                 Muchapera

(d)                 Muchaneta

Chakakosha pamubvunzo uyu ndechekuti uzive mapindurirwo aunoitwa zvisinei nemaziviro aunoita nyaya iri muna Gona reChimurenga. Cherechedza kuti watanga nekudoma chiito chaicho wozopa tsigiro yechiitiko chacho chichibva chaita kuti rongetedzo (plot) yenyaya ienderere mberi.

Semuenzaniso, Mabhunu anopfura mabhunu aizvifambira zvawo nenzira. Izvi zvinoita kuti mabhunu azokomba nzvimbo yaive yakahwanda anaMambhunu nendege ndokukuvadzwa zvakaipisisa.

Apa ndangotaura zvakaitwa naMabhunu chete nezvazvinobva zvakonzera saka ndizvo zvaunofanira kutevedzera pakupindura mubvunzo uyu.

Tsanangura zvinhu zvinoitika munzvimbo dzinotevera zvinosundira rungano mberi muna Gona reChimurenga;

(a)                 Rota

(b)                 Macheke

(c)                 Murehwa

Mapindurirwo emubvunzo uno haana kusiyana neanoitwa pamubvunzo uri pamusoro. Chasiyana chete kuti pachinzvimbo chevatambi taisa mazita enzvimbo. Iwe unofanira kuziva zvinoitika munzvimbo imwe neimwe pakusundidzira nyaya mberi.

Itai ongororo yemibvunzo iyi muchipa mhinduro monopa mudzidzisi wenyu kuti akukwenyerei zvamunenge manyora?

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *