‘Mukadzi wangu kunditi muroyi ini . . .?’‘ Ehe, uri muroyi baba mwana’

24032016KWA-MAI-HAR-03MHURI yemubhuku raKapfumba, kwaMusana, yangova hubvanzu-hubvanzu nekuda kwekuti vari kunangana huroyi zvichikonzerwa nematambudziko avanoti haasi kuvaperera.

VaWellington Kapfumba (54) nemudzimai wavo Virginia Mutungambera, vari kugara vachinetsana zvikuru zvichibva pakurwarirwa nevana vavo.

VaKapfumba vanoti vari kunangwa huroyi nevana vavo vekubereka vachivati ndivo vari kuroya mhuri.

Mudzimai wavo anopomerawo murume wake kusachena achiti haadi kufambira matambudziko ari kusangana nemhuri yavo anosanganisira kurwarirwa, kutadza kuroorwa nemimwe minyama.

VaKapfumba, avo svondo rapera vakasvika kumahofisi eKwayedza vachipupa furo nehasha uye vachiita sevachasvimha misodzi kuchema, vanotsanangura nyaya yavo vachiti vari kunangwa huroyi nevana pamwe chete nemudzimai wavo.

Ukuwo mudzimai wavo haana kutora nguva sati abongomora kuchema apo akasvikirwa neKwayedza pamusha pavo.

“Ini ndiri kugara muhunhapwa chaihwo nemhuri yangu, kuti iye mudzimai wangu Virginia Mutungambera nevana vangu vari vana. Handizive kuti vakazviwana kupi kuti ndinoroya. Ndakasvika pakumbotiza pamba ndikaenda kuSouth Africa mugore ra2009 ndikazodzoka muna2014 apo ndairohwa nekutukwa nekushungurudzwa nemhuri,” vanodaro VaKapfumba.

Vanoti nyaya iyi yakatanga apo mhuri yavo yaiita zvechivanhu, vana vavo vatatu vachinzi vaisvikirwa nemidzimu vachigara mugomo rekumusha umo makavakwa banya (imba) raiitirwa mapira.

“Vana vangu vaigara musango uko vaiita mapira vachiputa mbanje nekuita zvakasiyana vachinzi vanosvikirwa uye vachishandira vanhu.

“Vari ikoko, vakaumba chikwata chembira chainzi Kuyera kweVahera. Panguva iyi vaitsikisa nziyo dzekundiny’omba. Ini ndairohwa semwana mudiki kusvikira ndakazotizira kuSA,” vanodaro.

“Vana vedu vanosanganisira Challenge Kapfumba, Evidence Kapfumba, Lewis Kapfumba, Marvelous Kapfumba nevamwewo vanokwana 7 vanonditi ndiri muroyi. Handina kana gwenzi randakambobata asi kwakaunzwa n’anga pamusha ndichinzi ndiri muroyi, kumwe kwacho ndichimanikidzwa kuenda (kun’anga).”

VaKapfumba vanoti vane mwana anorasika njere, Lewis, uyo vanoti vakaenda naye kuchipatara zvikanzi zvinokonzerwa nekuputa mbanje zvakanyanya.

Asi Kwayedza haina humbowo uye hunyanzvi hwekuratidza kuti mukomana uyu murwere wepfungwa uye kuti kana achirwara, zvinokonzerwa nekuputa mbanje.

Asi VaKapfumba vanoti: “Mwana wangu akatanga kurasika njere mugore ra2009 ndichinzi ndakamupa muchetura kuti afe nekunziwo ndini ndaimuroya. Ndakazoenda naye kuchipatara gore rino akanzi anorasika pfungwa nembanje.”

Vanoti mukomana ari kurwara uyu anonzi ane mudzimu izvo vanoramba.

“Chinonetsa ndechekuti isu hatichaziva kwakabva dambudziko iri nekuti Lewis anozviti anosvikirwa nemudzimu waGutsa sekuru vedu.”

VaKapfumba vanotizve amai vavo, Cathrine Kapfumba, vakashaika vachingosiya dambudziko iri riripo uyewo baba vavo — VaMarisa Kapfumba — vanoziva nezvekusagarisana zvakanaka kwemhuri iyi.

“Veduwe ndaoneswa nhamo! Ndakaenda kune imwe chechi ine mbiri muni muHarare nekuimwe n’anga yekuShowground (kuDomboshava) uko kusina chakabuda. Lewis akapisa imba kumusha zvinhu zvikaparara.

“Akapisazve imba kwaambuya vake kuMufakose nekurwara uku. Izvozvi nemukadzi wangu hatiwirirane, michina yangu yandaisonesa mbatya yandakabva nayo kuSA yakatsva,” vanodaro.

“Mumwe wevana vangu anonditi ndakamupa tumhuka tudiki tuviri utwo anoyamwisa. Nyaya iyi ndakaisvitsa kwaMambo Musana nekwasabhuku wedu Kapfumba asi hapana chati chagadziriswa, ndinongonzi gadzirisanai.

“Pakauya tsikamutanda pamusha pangu akaburitsa mupurwa waiva negumbo rakatyoka nemudende wainzi ndinoisa mazita evanhu kuti vafe.”

Murume uyu anoti pakauya tsikamutanda uyu, pakatorwa mifananidzo yakazotumirwa kuhama dzakasiyana dzemuno nekunze kwenyika, izvo anoti zvave kuita kuti aonekwe semuroyi wemakoko.

“Tsikamutanda uyu akanotorwa nevanhu vanosanganisira Nelson, Evelyn, Agnes, naChuma Kapfumba,” vanodaro baba ava.

Vanoti dambudziko guru rapinda mumusha mavo kutevedza n’anga nemaporofita uko vanoudzwa nhema.

“Izvozvi vana vakandiramba vakabuda

pachena kuti havasisina baba. Kubva pandakadzoka kuSA hapana mwana anouya kumusha. Kana ari mudzimai wangu, hationane, hatidyidzane.”

Kwayedza yakazonosvika kumusha kwemhuri iyi kwaMusana svondo rapera uko Mai Mutungambera vakabongomora mhere vachichema nekudya magaka mambishi pavakabvunzwa nezvenyaya iyi.

“Ndizvo zvamavinga izvozvo nhaimi? Zvemunhu asina kurongeka? Kunyepera kuti ainobata mawoko kuHarare nyambisirwa pane zvaanoronga!

“Zvose zvamataurirwa inhema, murume uyu haadi kufamba kuti tione chinonetsa vana. Tine mwana anopenga mumwe akambotanga kupenga ivo vanoti imbanje. Havadi kufamba vanotyei?” vakadaro amai ava vachichema.

“Ndinogona kukubhururutsai pano izvozvi mukamhanya kunze kwegedhi uko.”

Mai Mutungambera vakati havadi kutoresa vana vavo ngozi nekuda kwemashoko anotaurwa nemurume wavo.

“Izvozvi tine mwana mudiki anga achiita Grade 6, haagone kuverenga kana kuziva kuti mazai maviri ndeapi, kana kunyora zita rake chaiko. Ndinoti hatifambei havadi, zvino ini handizorore kudzimara vana vangu vararama. Ndinongofamba ndoga bedzi!” vakadaro vakakwidza izwi.

Vanotsinhira nezvekupiswa kwedzimba nemidziyo naLewis kumusha kwavo zvose nekuMufakose kwaambuya vake.

Paichema Mai Mutungambera kuvatori venhau, mwanakomana wavo mudiki, uyo ari kunzi akarega chikoro nekurwara, aibongomorawo achiti baba vavo vanoda kurohwa zvakasimba apo aipupa nehasha.

Pamusha apa panonzi panogara pachirwiwa nekuda kwekusawirirana kwaVaKapfumba nemudzimai wavo nevana.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×