Mukadzi wemuchato akasiiwa pamhene

MURUME wekutiza mukadzi wake wemakore, uyo waaine muchato naye, akazochechuka amiswa pamberi pedare.
Sofia Bhosha akaendesa Onias Bhosha kuHarare Civil Court achida mari yekuti ariritirwe nemurume wake.
“Murume uyu tave nemakore akawanda tiri tese asi zvakangozochinja pakupedzisira akabva anditiza achinogara nemukadzi ane mwana waakaita nemumwe murume. Ndinoda kuti abhadhare mendenenzi yekundiriritira sezvo pari zvino ndichishaya chero nechekudya chaicho.

“Mari yekuti andibhadhare anoiwana nekuti ane zvinomuwanisa mari mwedzi wega-wega. Ndinoda $80 pamwedzi nekuti ane purazi uye mu’war vet’ anotambiriswa mari yepenjeni. Inini akanditiza pamba asi hatisati tarambana nekuti tine muchato waasati akanzura,” akadaro.

Onias akaudza dare kuti haakwanise kubhadhara mari yakataurwa nemukadzi wake iyi achiti akamusiira imba inomupa mari yemaroja uye kupurazi kwaitaurwa naSofia kwakanga kusingaunzi mari.

“Mukadzi uyu handichamudi, ndakamuudza kare. Zvekundiunza kuno kudare kutsvaga kuda kundinzwa nekuda kukupedzerai nguva yenyu. Ndine mumwe mukadzi wandiri kugara naye kumusha anotova nemwana wangu.

“Ndakarambana naye nenyaya yekuti ndakamuti handei kumusha akaramba. Mari yaari kuda ndoshaya kuti anoda kudya mari dzangu ngani nekuti izvozvi imba yaari kugara yakanga iri yedu tese ndikamusiira ndichiti agare nevana ipapo achitora mari yemaroja. Kupurazi hakuna chiri kubvako, munongozivawo makore ano kuti zvirimwa zvizhinji hazvichina mari uye purazi rangu riri mujecha. Iye ndiye ari kutowana mari yakawanda yemaroja,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×