Mukadzi wen’anga openga . . .murume wangu, handiwe wapedza kuuraya vana?

Yvonne Chidochashe Manyanja
IMWE n’anga yakachema-chema mudare redzimhosva ichiti inoda kudzivirirwa zvichitevera kunangwa huroyi kwairi kuitwa nemudzimai wayo ichinzi yakaromba mishonga iri kupedza kuuraya vana vavo.

Adam Asipu akaudza mutongi wedare reHarare Civil Court, Barbra Mateko, kuti mukadzi wake — Janet Chandi — anomushungurudza nemashoko achimuti akaromba izvo zviri kukonzeresa kuti vana vavo vafe.

Akati: “Ishe wangu, ndinotambudzika nemashoko anotaurwa nemukadzi uyu. Anonditi ndinofanirwa kunge ndirini ndiri kudya vana vangu. Mukadzi uyu akatamira kuSouth Africa uko akatorwa nemumwe murume saka ndiri kuda kuti adzokere hake nekuti handichina mufaro nemashoko aanonditaurira.

“Kana zvichibvira ngaabve pamba pangu aende kumusha kwake nemurume wake. Muchato nditori munzira kuudamburisa nekuti handichakwanisa kugara nemukadzi akadai, anoswera achindipumha huroyi.”

Chandi akataurira dare kuti haapumhe Asipu huroyi asi kuti anoda kungozivawo kuti sezvo ari n’anga, haana kuromba here nekuda kwefiro yevana vavo.

“Zvataurwa nababa ava vachiti ndinogara ndichivatuka nekuda kwevana vangu vari kufa hachizi chokwadi.

‘‘Nyaya iripo ndeyekuti ndakavabvunza kuti kuda zvavari n’anga pamwe vakaromba zviri kuita kuti vana vafe.

“Kana iri nyaya yekuti ndine mumwe murume manyepo, chokwadi ndechekuti ndichine muchato nababa ava. Ndivo vachitori murume wangu zviri pamutemo kwete zvavari kuda kuudza dare vachinyepa.

“Kuenda kwandakaita Joni ndekwekuti ndiwane kuriritira mhuri nekuti ndiko kwandiri kushandira. Ndivo vakatoroora mumwe mukadzi kwete ini. Asi sezvavakumbira handina dambudziko nazvo, vapei gwaro redziviriro sekukumbira kwavaita,” akadaro.

Mutongi Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Asipu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×