Mukana wekunyora bvunzo

Munyori weKwayedza
KANZURU inoona nezvekufambiswa kwebvunzo muno, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) yawedzera nguva yekuti vanoda kuzonyora bvunzo dzeOrdinary neAdvanced Level vanyorese.

Zimsec inoti ichapa mukana wekuti vanoda kunyora bvunzo vanyorese kana chirongwa cheHurumende chekuti vanhu vambogara mudzimba kwemasvondo matatu chadarika.

Zimbabwe yakatora danho rekuti vanhu vose vambogara mudzimba, vomira kufamba-famba nechinangwa chekuda kuderedza kana kudzivirira kutapurirana nekutekeshera kwechirwere cheCovid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe manga mava nevanhu gumi nevasere vaonekwa vaine Covid-19 apo vatatu vacho vakatoshaya.

Mumashoko ayo, Zimsec inoti gadziriro dzebvunzo dzemuna Chikumi nedzemunaMbudzi dzegore rino dziri kufambira mberi zvakanaka.

Zimsec inoti hakuna dzimwe mari dzichadiwa pamusoro pedzakatarwa kune avo vachanonoka kunyoresa kuti vanyore bvunzo idzi.

Zvekare, hakuna mari dzichabhadhariswa vachanonoka kunyoresa bvunzo dzemwedzi waChikumi uye vachakundikana kunyoresa ipapa vachapihwa mukana wekuti vanyorese pabvunzo dzemunaMbudzi.

“Zimsec, semamwe mapoka, haisati yaziva kuti zvichafamba sei mushure memazuva 21 vanhu vachigara mudzimba. Chatinongoda kuzivisa ndechekuti Zimsec ichapa mukana weavo vanoda kunyoresa kunyora bvunzo dzemunaMbudzi kana danho rekuti vanhu vambogara mudzimba radarika,” kanzuru iyi inodaro.

“Hurongwa uhu hunowirirana nezvakaziviswa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari hunoti vanoda kunyora bvunzo dza2020 vachiine mukana.”

Izvi zviri kuuya apo sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers Association (Zimta) richangobva kuti Hurumende imise kunyorwa kwebvunzo dzose dza2020 nekuda kwedambudziko raunzwa nechirwere cheCovid-19 icho chanetsa pasi rose.

Asi Zimsec inoti bvunzo dzegore rino dziri kuzonyorwa uye gadziriro dzacho dziri kufamba nemazvo.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×